Accessibility links

Breaking News

Mapurisa Ochengetedza Mutirongo Kwemazuva Matatu Mwana Ane Makore Matatu naAmbuya Vake


Mapurisa anonzi akachengetedza muhusungwa mwana ane makore matatu kwemazuva matatu mushure mekusungawo ambuya vake nevamwe vairatidzita kusanganisira mumwe mudzimai ainge akazvitakura kuHonde Valley, Manicaland. Vanhu ava vaipomerwa mhosva yekuratidzira pachikoro cheSagambe Primary School

Vanhu ava vakasungwa nemusi weChitatu vachiratidzira ndokuzoburitswa muhusungwa neChishanu.

Mapurisa akavapomera mhosva yekukanganisa kuitwa kwemabasa echikoro pasi pemutemo weCriminal Law (Codification and Reform) Act. Vagari ava vainge vachinyunyuta nekuda kwekusafambiswa zvakanaka kwemabasa kwavakati kwaiitwa nemukuru wechikoro VaEvans Mwaturura. Vanhu vairatidzira vakatozobuda mujeri mushure mekunge sangano remagweta reZimbabwe Lawyers for Human Rights rapindira.

Mutauriri webazi rezvedzidzo VaTaungana Ndoro vaudza Studio 7 kuti kana nyaya yave mumaoko emapurisa havachakwanise kutaura nezvayo vakati tibate mutauriri wemapurisa Assistant Commissioner Paul Nyathi. VaNyathi vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Gweta revasungwa ava VaTatenda Sigauke vaudza Studio 7 kuti vachuchusi vehurumende havana kuchuchisa nyaya iyi asi vakati vachadaidza vainge vasungwa kumatare kuburikidza nemasamanisi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG