Accessibility links

Breaking News

America Inoburitsa Zvechimbichimbi Vashandi Vepa Mumuzinda Wayo muHaiti


Vanomirira America ku United Nations, Amai Linda Thomas-Greenfield.
Vanomirira America ku United Nations, Amai Linda Thomas-Greenfield.

Nemusi weSvondo, bazi reAmerica rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, reStates Department, rakakumbira mauto eAmerica kuti abuditse zvechimbichimbi vashandi varo kubva pamuzinda avo muguta re Port-au-Prince, muHaiti.

Izvi zvinotevera kusagadzikana nekurwisana pakati pezvikwata zvematsotsi munyika iyi, zvikuru sei muguta guru re Port-au-Prince.

Zvikwata izvi zvava nemasimba makuru sezvo munyika musina hurumende yakasimba. Mukuru wemubatanidzwa wezvimwe zvezvikwata izvi unonzi G9, Jimmy Chérizier, anozivikanwa nerekuti Barbecue, anonzi ava nemasimba anopfuura ehurumende iripo uye ari kutadzisa mukuru wehurumende yeHaiti, VaAriel Henry, kudzoka kumusha kubva ku Kenya kwavakanga vaenda kunoshanya.

Vanomiririra America kuUnited Nations, Amai Linda Thomas-Greenfield, vanoti America yakaudza VaHenry kuti vaite hurukuro nevamwe vakuru munyika iyi kuti parongwe zve sarudzo nekukurumidza.

Vanoongorora zvematongerwo enyika, VaDen Moyo, vanoti America yakakanganisa mukurega kupindira munyaya ye Haiti kare, vachiti kusagadzikana kwe Haiti kwakatanga mumakore emutungamiri wenyika iyi wekuma 1970, Jean Claude "Papa Doc" Duvelier, vachiti zvichatora nguva kuti nyika iyi igadzikane.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:46 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG