Accessibility links

Breaking News

Hurumende Yopedza Mamiriyoni Kuvaka Guta Idzva Kuitira Musangano weSADC Kunyangwe Nyika Yatarisana neNzara


Kunyangwe nyika yakatarisana nenzara isina mukare akamboona, mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vanonzi vakaudza makurukota avo kuti vanoda kuti vaite chipata pata kuvaka migwagwa, mahofisi nedzimba pedyo nedare reparamende idzva kuMt Hampden kuMashonaland West pamberi pemusangano wepagore weSADC uri kuitirwa muHarare.

Guta reHarare rakanziwo richeneswe migwagwa ichigadzirwa. Vakuru mubazi rezvemari vataura neStudio 7 asi vasingadi kudomwa nemazita vati izvi zviri kuda mamiriyoni emadhora akawanda uye mari iyi haisi mubhajeti.

Hurumende iri kutadza kubhadhara zvimwe zvikwereti zvinosvika mabhiriyoni gumi nemanomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti US$17, 5 billion munyika nekunze.

Vamwe vakagadzira migwagwa kare havasatiwo vapihwa mari dzavo nehurumende zvakatendwa nemutevedzeri wegurukota rezvemari VaDavid Mnangagwa.

Mumwe mukuru mubazi rezvematunhu VaShingirayi Mushamba vati hurumende ichatorawo mapurazi makumi mana nemanomwe kuti ivake guta idzva iri uye mhuri mazana matatu dzichitamiswa.

Kunyangwe chigaro chekuvasachigaro weSADC chichingotenderera munyika dzose dziri mugungano iri semadzoro, hurumende yave nemwedzi yakawanda ichiita sekuti chigaro ichi chakakosha uye munongedzo wekuti VaMnangagwa vari kutambirwa neSADC iyo ine vaongorori vakati Zimbabwe haina kuita sarudzo dzejekerere. Sarudzo idzi dzakashorawo neAfrican Union nemasangano emunyika nekunze.

Hatina kukwanisa kubata mutauriri waVaMnangagwa VaGeorge Charamba kuti tinzwe divi ravo.

Nhengo yeZanu-PF inomiririra Bikita South VaEnergy Mutodi vati havaone chakaipa pane zviri kuitwa nehurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi vanotungamira CCC mudare reparamende VaClifford Hlatywayo vati zviri kuitwa nehurumende hazvina nematuro ose.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG