Accessibility links

Breaking News

Mapurisa ekuGweru Arambidza Blue Movement Kuita Musangano


Mapurisa arambidza vechikwata cheBlue Movement chiri kutsigira vaive mutungamiri webato reCitizens Coalition for Change kana kuti CCC VaNelson Chamisa kuita musangano kuGweru nhasi. Mutsamba iri mumaoko eStudio 7, mukuru weapurisa kuMidlands Chief Superintendent Tambudzai Bibian Gumpo vati veBlue Movement havana kunyatsotevedzera zvinodiwa pamutemo.

Vatiwo pange pachida kuitirwa musangano uyu hapana kunyatsojekeswa uye vanoti vari kutyira kuti pangazoitika mhirizhonga sezvo vamwe vechikwata cheCCC vainge vati havafanire kushandisa chiso chaVaChamisa.

VaChamisa vakatoenda kumatare vachiti vari kuda kurambidza vechikwata cheCCC chinotungamirwa naVaWelshman Ncube nevari kuzviti vakafanobata chigaro chemunyori mukuru mubato iri VaSengezo Tshabangu kushandisa chiso chavo. Asi VaTshabangu vakaudza Studio 7 kuti havasi kuzoregedza kushandisa chiso chavaChamisa sezvo vachiti ndechebato.

Gurukota rezvemukati menyika VaKazembe Kazembe vaudza Studio 7 kuti vange vasati vasumwa nemapurisa ekuMidlands nezvekurambidzwa kweveBlue Movement kuita misangano yavo.

Vati, “Ndiri kumusha ikozvino, handisati ndaudzwa nezvenyaya iyi.”

Asi imwe nhengo yeBlue Movement VaAmos Chibaya vati zviri kutaurwa nemapurisa ndezvemugotsi matsuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:10 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG