Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa kweVashandi veUSAID muNyika Kwoonekwa neVamwe seKuchakanganisa Hurongwa hweKugadzirisa Hukama neAmerica


Grain donated to WFP by USAID
Grain donated to WFP by USAID

Danho rakatorwa nehurumende mwedzi wapera rekushungurudza pamwe nekudzinga munyika vashandi vesangano rinopa rubatsiro reUSAID rekuAmerica, riri kushoropodzwa zvakanyanya nevamwe, vari kuti rinogonaq kukonzera murango wakaomarara kuZimbabwe.

Izvi zvinotevera tsamba dzenyunyuto dzakabva kubazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica pamwe neUSAID pekunonzi neAmerica kushungurudzwa pamwe nekuburitswa munyika nechisimba kwevashandi vebazi reUSAID nehurumende.

Vashandi vakashungrudzwa nekuburitswa munyika ava vanonzi vaive vamwe vechikwata cheUSAID Democracy, Human Rights and Governance Assessment Team, chaishandira mumatunhu emunyika.

Izvi zviri kuuya panguva iyo America ichangobva kuzivisa kuti yakabvisa zvirango zvayakanga yakatemera Zimbabwe muna 2003.

Asi yakabva yatemera zvirango mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangwagwa, mudzimai wavo AmaiAuxilia Mnangagwa, mutewedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga, pamwe nevamwe muhurumende nevavanodyidzana navo munyaya dzemabhizimusi vachipomerwa mhosva yekutyora kodzero dzevanhu pamwe nehuwori.

Asi hurumende yeZimbabwe iri kuramba mhosva idzi ichiti America inofanirwa kuburitsa humbowo.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende panyaya iyi sezvo nharembozha dzegurukota rezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, dzanga dzisiri kudairwa.

Asi nhengo yeZanu PF vachiongorora zvematongerwo enyika, Doctor Masimba Mavaza, vanoti hapana chakakanganiswa nehurumende yeZimbabwe pakubvunzurudza nekudzinga vashandi ava munyika, vachiti vakanga vave kuita zvehusori zvisineyi nebasa ravakanga vapindira kunoita munyika.

Asi nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato rinopikisa re Democratic Party, Doctor Urayayi Zembe, vanoti vanoona danho rehurumende iri serichakanganisa zvikuru hurongwa hwehurumende yeZimbabwe hwekuedza kugadzirisa hukama hwayo nedzimwe nyika, zvikuru neAmerica.

USAID iri kushanda munyika umo iri kubatsira vanhu nezvekudya yakabatana neWorld Food Programme.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda
please wait

No media source currently available

0:00 0:01:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG