Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inobatana neDzimwe Nyika muKucherechedza Zuva reMadzimai


International Women's Day
International Women's Day

Hurumende inoti yakazvipira kusimudzira madzimai munyika, ukuwo madzimai achiti kunyange hazvo bumbiro remitemo yenyika richisimudzira kodzero dzemadzimai, kusazadzikiswa kwaro kuri kudzorera shure zvakawanda zvinosanganisira kuenzaniswa kwemikana pakati pevanhurume nevanhukadzi.

Vachitaura nhasi pamhemberero dzekucherechedza zuva remadzimai pasi rose, kana kuti International Women’s Day dzaitirwa kuChitora kuShurugwi mudunhu reMidlands, gurukota rinoona nezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa vati hurumende iri kukoshesa zvakanyanya kusimudzirwa kwevanhukadzi.

“Kana kuri kune zvekurima tiri kutarisa kuti madzimai edu ari kupiwa zvakakwana sePfumvudza. Kana kuri kune zvekuchera totarisa kuti madzimai edu ari kupiwa here kwekuchera nekuwaniswa kushanda zvakasununguka,” vadaro Amai Mutsvangwa.

Amai Mutsvangwa vati chiri kudzosera madzimai kumashure zvakanyanya inyaya yemhirizhonga ine chekuita nekuti uri munhukadzi kana munhurume here?

Vati bazi ravo riri kutora matanho ekupedza dambudziko iri akaita sekuwanisa madzimai anenge asangana nemhirizhonga rubatsiro rwakazara, vachiti nyika haigoni kuzadzisa chiga cheVision 2030 pasina madzimai.

Amai Mutsvangwa vati , “Haungakwanisi kusiya zvikamu makumi mashanu nezviviri zvevanhu varimunyika kumashure wotarisira kuzadzisa vision 2030.”

Gurukota rezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa.
Gurukota rezvemadzimai, Amai Monica Mutsvangwa.

Asi Amai Memory Mvura, vanove mugari wemuHarare, vati zvisineyi nemhemberero idzi gore negore, kodzero dzemadzimai hadzisi kusimudzirwa munyika.

“Madzimai hatisati tapiwa masimba. Hatisati tave tinezvinhu zvinganzi tasimudzirwa. Ukatotarisa zvehupfumi zvinhu hazvina kumira zvakanaka.”

Mumwe mudzimai angoda kuzivikanwa nekunzi MaMoyo, atiwo zuva ranhasi kwaari nderekuti madzimai aungane achichema nhamo dzavo sezvo madzimai asina hupfumi kana masimba munyika.

Mamoyo ati, “Kurema kwakaita hupfumi munyika ari kuomerwa mukadzi baba vanogona kutiza vakaremerwa. Madzimai havako kunezvehupfumi chero kuzvicherwa.”

Amai Otilia Chikandira, avo vanoraramawo nekutengesa mumigwagwa, vatiwo madzimai munyika ari kunhonga svosve nemuromo sezvo ari kushungurudzwa pose paanotsvaka kuraramisa mhuri.

Amai Chikandira vati, “Tino mhanyiswa nemapurisa hatina kana nguva yekutengesa apa ndipo patinoraramira saka kana tichivhiringidzwa kudai tinenge tichitotyorerwa kodzero.”

Madzimai akawanda anonzi ari kurarama nekutengesa.
Madzimai akawanda anonzi ari kurarama nekutengesa.

Mumwe mutori wenhau wechidzimai, Veneranda Langa, atiwo kushaikwa kwemunhukadzi muhutungamiriri hwenyika mucherechedzo wekuti Zimbabwe ichiri shure mukusimudzira madzimai pamwe nekuenzanisa mikana.

Langa ati, “Kuhutungamiriri hwenyika hakuna kana munhukadzi. Kana madzimai akawana zvigaro kumapazi akakosha munyika sebazi remari tinoona sekuti hupenyu hwavo hungasimudzirwe nekuti mapazi awa ndiwo anoronga zvehupfumi."

Zuva remadzimai rinocherechedzwa musi wa8 Kurume gore rega rega pasi rose senzira yekupemberera budiriro yevanhukadzi pamwe nekuendesa mberi kodzero dzavo.Zimbabwe yacherechedza zuva iri pasi pedingindira rinotarisisa zvakadzama nyaya yekusimudzira madzimai senzira yekuwana budiriro, kana kuti 'Investing in women: Accelerate progress.'

Madzimai munyika anogarochema nematambudziko anosanganisira mhirizhonga yemudzimba, kubatwa chibharo, kuroodzwa vachiri vadiki, kusaenzaniswa kwemikana nekutarisirwa pasi mumabasa pamwe nemumhuri.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG