Accessibility links

Breaking News

America Inoti Zimbabwe Yakaburitsa muNyika neChisimba Vashandi veUSAID Vaiita Mabasa eOngororo


Mukuru weUSAID, Amai Samantha Power.
Mukuru weUSAID, Amai Samantha Power.

America inoti iri kushushikana zvakanyanya nekushungurudzwa pamwe nekuburitswa munyika nechisimba kwevashandi vebazi reUSAID nehurumende yeZimbabwe.

Mumagwaro akasiyana avaburitsa nhasi, mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica, VaMathew Miller, pamwe nemukuru weUSAID, Amai Samantha Power, vati mwedzi wapera vakuru vakuru vehurumende yeZimbabwe vakamanikidza kuburitswa munyika kwechikwata cheUSAID Democracy, Human Rights and Governance Assessment.

Chiwakata ichi chinonzi chaiita basa rekuongorora nyaya dzebudiriro nehutongo hwejekerere muZimbabwe senzira yekubatsira nayo basa reUSAID rekutsigira kushanda kwemasangano akazvimirira, masangano ezvehutongo hwejekerere pamwe nekodzero dzevanhu.

Vashandi veUSAID pamwe nevemasangano ari kushanda nebazi iri vanonzi neAmerica vakashungurudzwa nenzira dzakasiyanasiyana, dzinosanganisira kubvunzurudzwa usiku hwese uye kwenguva yakarebesesa, kufambiswa mitunhu mirefu nedzimotokari dzisina kukodzera pamwe nekutorerwa zvikwanisiro izvo zvakayanika hupenyu hwavo pamhene.

Chiitiko ichi chinonzi chinotevera zvimwe zviitiko zvakakomba zvakaitika mukati memakore maviri adarika, apo vashandi vehurumende yeAmerica pamwe nezvizvarwa zvenyika iyi vakasangana nekushungurudzwa pamwe nekusabatawa zvakanaka nehurumende yeZimbabwe.

Amai Power vanoti zviito zvehurumende yeZimbabwe izvi zvinotadza kuzadzisa zvainotaura zvekuti yakazvipira kuvandudza hutongo hwayo pamwe nekugadziridza kudyidzana kwayo nedzimwe nyika.

Studio 7 yakundikana kubata gurukota rinoona nezvekuburitswa kwemashoko, VaJenfan Muswere pamwe negurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika, VaFrederick Shava, sezvo nharembozha dzavo dzanga dzisiri kudairwa.

Mutauriri webazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muZimbabwe, VaMichael Mukura, vati vanga vasina chekutaura pamusoro panyaya iyi sezvo vanga vasati vaona magwaro aburitswa neUSAID pamwe nebazi rezvekudyidzana nedzimwe nyika muAmerica aya.

America inoti icharamba ichitsigira zvakasimba masangano akazvimirira, vanorwira kodzero dzevanhu, masangano enhau akazvimirira, uye, sezvakaonekwa muzvirango zvayo zvakanangana nevamwe vanhu, haisi kuzotya kuwedzera kutorera matanho vese vanorambidza zvizvarwa zveZimbabwe rusununguko rwavo nehutongo hwejekerere.

USAID iri kubatsira nemabasa akawanda muZimbabwe anosanganisira kuwanisa chikafu kuvanhu vasina zvekudya zvinovakwanira.

Muvhuro svondo rino America yakadzika zvirango zvitsva zvakanangana nemutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, pamwe nevamwe vari pedyo navo ichivapomera mhosva yekutyora kodzero dzevanhu uye huwori.

Asi Hurumende yeZimbabwe iri kuramba nyaya idzi ichiti America iburitse humbowo.

Forum

XS
SM
MD
LG