Accessibility links

Breaking News

VaBiden Voshora VaTrump Mumashoko Avo Avatura kuNyika yeAmerica


VaJoe Biden
VaJoe Biden

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden nhasi vashora zvikuru vaive mutungamiri wenyika VaDonald Trump asi vasingavadome nezita vachingoti wavakatorera chigaro. VaBiden vati VaTrump vakasiya nyika yakanyura mumadhaka pavakavakunda sarudzo muna 2020.

VaBiden vataura mashoko aya pavange vachitura mashoko kunyika kana kuti State of the Nations Address mudare reparamende reUS Capitol muWashington. Mutungamiri wenyika anotura mashoko kunyika kamwe chete pagore.

Zviri kubuda musarudzo dzemaprimary zviri kuratidza kuti VaBiden naVaTrump vachatatsurana zvakare musarudzo yemutungamiri wenyika muna Mbudzi.

VaJoe Biden
VaJoe Biden

Hupfumi

Mutungamiri wenyika ati hupfumi hwenyika hwakura zvakanyanya kukunda nyika dzose dzepasi rino uye vanhu vari kuwana mabasa ukuwo makambani achigadzira zvinhu zvakawanda.

Pavange vachitaura vebato remaDemocrats vange vachi daidzira kuti VaBiden ngavatungamire kwemamwe makore mana.

VaBiden vati VaTrump vaiti vashandi vabhadhare mitero yakawanda asi varidzi vemakambani vachirerutsirwa.

Vatiwo vari kuda kuti vemabhizimisi vabhadhare mari yakawanda sezviri kuitwa nevamwe. Vatiwo mari dzinobhadharwa pamitengo yekunonoka kubhadhara zvikwereti kumabhanga inofanira kudzikiswa.

VaBiden vatiwo nyika yeAmerica iri kusimukira kudarika yeChina vachiti vari kumisidzana nayo uye kuimanikidze kuti pave nekutengeserana pasina hundyire. Vati VaTrump vaingotaura zvekushora China asi pasina zvavaiita.

Hutano

VaBiden vati vanhu vemuAmerica vanobhadhara mari yakawanda kana varwara nekudaro vari kushanda kuti mishonga idzikiswe. Vati vari kuda kuti mishonga yeshuga idzikiswe semimwe inonwiwa nevanhu vane zvirwere zvehupenyu hwose. VaBiden vatiwo hapana munhu anofanira kutadza kurapwa.

Dzidzo

Panyaya yedzidzo, VaBiden vati vanoda kuti vana vatange kuenda kuchikoro vave nemakore matatu pachena. VaBiden vati vana vakatanga chikoro vaine makore aya vanowanzobudirira muzvidzidzo zvavo.

VaBiden vati vashandi vakadzidza vanosimudzirawo nyika. Vatiwo vanoda kuti vadzidzi vatange kudzidzire zvemabasa vachiti kuchikoro. Vatiwo vari kuda kuderedza huwandu hwezvikwereti zveechikoro zviri kubhadharwa nevadzidzi. VaBiden vatiwo vari kuda kuti varairidzi vawedzerwe mari.

Kuchengetedza Miganhu yeNyika

Mutungamiri wenyika yeAmerica atiwo ari kushanda zvakasimba kuti vanhu vanenge vachida kungopinda muAmerica vasina magwaro varambidzwe. Vati pane bhiri riripo rekuona kuti izvi zvaitwa asi vakati harisi kubudirira nekuti VaTrump vakaudza vebato ravo kuti vasarivhotere.

Kodzero yeKuvhota

VaBiden vatiwo vanhu vanofanira kupihwa kodzero yekuvhota zvikuru vatema. Varumbidza mushakabvu John Lewis vakarwa kuti vanhu vose vapihwe kodzero yekuvhota.

Mhirizhonga Mudzimba

VaBiden vatiwo vari kuyedza kumisa mhirizhionga mudzimba zvikuru yakanangana nemadzimai. Vati vari kuda mitemo yekuona kuti vanhu vabvumidzwa kutenga pfuti dzinoshandiswa muhondo. VaBiden vavimbisawo kuti pachawanikwa mishonga yekurapa chirwere chegomarara.

Hamas neIsrael

VaBiden vatiwo vari kushanda zvakasimba kuti vanhu vari muhutapwa hweHamas muGaza uye nuRussia vanofanira kusungunurwa. Vashora zvikuru zvakaitwa neHamas zvekutanga kurwisa muGaza.

Asi vatiwo Israel inofanira kuona kuti vanhuwo zvavo havaurayiwe. VaBiden vati vari kushanda kuyedza kupedza hondo iyi. Vatiwo kupedza hondo iyi zvchose Israel nePalestine zvinofanira kugarisana senyika.

Mhinduro yemaRepublicans

Seneta Katie Britt
Seneta Katie Britt

Seneta Katie Boyd Britt vekuAlabama ndivo vataura vakamirira bato remaRepublicans vachipindura zvataurwa naVaBiden. Vati vane muono wakasiyana newaVaBiden wavati vari kuendesa nyika kumawere.

Vati mhuri zhinji dzakaomerwa nezvinhu uye VaBiden havasi kuziva zviri kuitika munyika kana vachiti zvinhu zvagadzikana. Vati zvinhu hazvina kumira zvakanaka kubhodha uko vanhu vasina magwaro vari kungopinda pasina ari kuvamisa.

Forum

XS
SM
MD
LG