Accessibility links

Breaking News

America Inoti Humbowo Hwekuti VaMnangagwa neVamwe Vavo Vari Kuita Huori Huripo Hwakawanda


Vakafanobata chigaro chemutevedzeri wemukuru anoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica muhurumende yeAmerica, VaDavid Gainer, vaudza vatori venhau kuti humbowo ijahwi, hunoratidza kuti vatungamiri vemuZimbabwe vari kutyora zvakadzikwa mubumbiro remitemo remuno, naizvozvo vanokodzera kuzvamburwa nezvirango.

"Humbowo huripo hwakazara hunoratidza kuti vese vataisa pasi pezvirango, vanofanira kunge varipo. Vanoshandisa mari yehurumende nenzira isiri iyo; vanombunyikidza kodzero dzevanhu, nekuponda; uye vane huori hunokatyamadza. Vanhu ava vari kushandisa masimba avo nenzira dzisina kukodzera."

Nezuro, Zimbabwe yakati inoda kuti America ipe humbowo hwekuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa nevamwe gumi kusanganisira mudzimai wavo, Amai Auxillia Mnangawa, nemutevedzeri wavo VaConstantino Chiwenga vari kuita huori munyaya yekutengeswa kwemangoda negoridhe uye kutonga nedemo.

Mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba uye gurukota rezvekuburitswa kwemashoko VaJenfan Muswere vanoti hurumende yeAmerica inofanira kuburitsa humbowo hwekuti VaMnangagwa nevamwe vari pazvirango vari kutyora kodzero dzevanhu, kuba mari yenyika, kutengesa goridhe nemangoda pamukoto nezvimwe zvavari kupomerwa zvekuti zvive nyore kuti Zimbabwe iite musika wemakoronyera,

VaMuswere nhasi vaudza Studio 7 kuti America iri kushandisa masimba ayo nenzira isiri iyo, nekuti haina kufara nehondo yeminda yakaitwa neZimbabwe mugore ra2000. VaMuswere vati, "America inofanira kuziva kuti haisi mupurisa kana kuti mutongi wenyika dzepasi rese."

Vatiwo, "Zimbabwe inyika ine mitemo yainotevedzera, isingaudzirwi mafambisirwo ebasa rayo nedzimwe nyika. Naizvozvo, zvirango zvatakatemerwa hazvisi pamutemo, uye zvinofanira kubviswa zvese."

Nyanzvi inoongorora zvematongerwo enyika, uye vari mukuru wesangano reThe African Cause Trust, VaElton Ziki, vanoti kunyange zvimwe zvezvirango zvakabviswa nemutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe VaBiden nemusi weMuvhuro izvi hazvina kuringana. VaZiki vati, "Hongu pane zvimwe zvakabviswa asi pamwongo chaipo havasati vasvika." Vaenderera mberi vachiti, "Vakabvisa zvirango zvese, zvinowanisa mukana wekuti nyika mbiri idzi dzitange kudyidzana mune zvakanaka."

Pasi pemutemo weMagnitsky Act wakaiswa naVaBiden neChipiri, America yakabvisa pachipanera, vamwe vanhu, uyewo makambani ayanga yakatemera zvirango, ikasiya vanhu vanokwana gumi nevaviri, uye makambani maviri pazvirango.

Asi mutemo weZimbabwe Democracy and Economic Recovery Act (ZIDERA), uyo wakadzikwa neAmerica mugore ra2001, hauna kubviswa kana kuvandudzwa.

Imwewo nyanzvi inoongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, vari chipangamazano wesangano reInternational Media Support, VaRashweat Mukundu, vanoti zvakanakira ruzhinji rweZimbabwe kuti zvirango izvi zvibviswe, nekuti hurumende iripo iri kuhwanda nemunwe mazuva ese. VaMukundu vati, "Kunyange paine zvirango izvi, tiri kuona hurumende yeZimbabwe ichiramba ichimbunyikidza kodzero dzevanhu, nehukopokopo." Vatiwo, "Saka dai zvambobviswa zvose tione kuti vanosara vakamira papi, sezvo vechipomera zvirango, kuwondonga kuri kuita hupfumi hwenyika."

Mudzidzisi wepaBindura University of Science Education, uye vachiongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese, VaDavid Makwerere, vanoti panyaya yezvirango iyi, zvichida haisiyo nzira ingada kushandiswa neAmerica kuranga hurumende yeZimbabwe kuti idzoke mugwara. VaMakwerere vati, "America haisisina kunyanya kusimba sezvayaiva yakaita kare nekuti kwava nedzimwe nyika dzakafanana neChina neRussia, dzava kukwikwidza munyaya dzezvehupfumi, masimba emauto, nezvimwe.

Vatizve, Zimbabwe inongodyidzana nenyika idzi. Zvirango zvinogona kutowedzera pakusawirirana uye kugadzikana munyika, pane kuti zvigadzirise mamiriro ezvinhu."

Pasina kupa humbowo, Zimbabwe yakati yarasikirwa nemari inosvika mabhiriyoni zana nemakumi mashanu nekuda kwezvirango. Asi vakatemera zvirango vanoti huori nekutonga nedemo ndizvo zvapa kuti hupfumi hugwadame.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:26 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG