Accessibility links

Breaking News

Amnesty International Yokurudzira Hurumende Kuti Iumbe Komisheni Inoferefeta Kutsakatika KwaItai Dzamara.


Sheffra Dzamara, Mudzimai wa Itai Dzamara, nemwana wake.
Sheffra Dzamara, Mudzimai wa Itai Dzamara, nemwana wake.

Sangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International riri kukurudzira hurumende kuti iumbe komisheni yakazvimirira yoga inotungamirwa nemutongi asina divi raakarerekera kuti iferefete kutsakatika kwakaita murwiri wekodzero dzevanhu itai dzamara.

Dzamara akatsakatika musi wa 9 Kurume mugore ra 2015 mushure mekupambwa nevanofungidzirwa kuti vasori muHarare. Mapurisa akavimbisa kuvatsvaga asi kusvika parizvino hapana chabuda.

Gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vakavimbisawo United Nations kuti hurumende iri kutsvaga kwakaenda Dzamara. Asi kusvika parizvino hama dzake dzinoti hadzina kana kunzwa kubva kuhurumende.

Mukuru we sangano re Amnesty International, mudunhu rekuchamhembe kweAfrica Amai, Vongai Chikwanda vanoti ikodzero yemhuri yekwa Dzamara kuziva kwakaenda hama yavo.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi mukuru anoona nezvekuburitswa kwemashoko munyaya dzezvekudyidzana nedzimwe nyika mubazi rezvekuburiswa kwemashoko VaRichard Mahomva vaudza Studio 7 kuti Amnesty International haina kodzero yekudza hurumende zvekuita.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:54 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG