Accessibility links

Breaking News

VaMthuli Ncube Votatarika Kugadzirisa Dambudziko reZvikwereti


Professor Mthuli Ncube Finance Minister
Professor Mthuli Ncube Finance Minister

Gurukota rinoona nezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube vanoti vatanga zvakare hurukuro dzekuti Zimbabwe iite nhaurirano nevayakakwereta mari yekuAmerica inosvika mabhiriyoni gumi nemanomwe nezviuru mazana mashanu kana kuti 17, 5 billion.

Asi nyanzvi munyaya dzezvehupfumi dziri kuyambira kuti kuda kugadzirisa nyaya yechikwereti iyi kuchanentsa zvikuru sezvo America yakazivisa kuti haichabatsire Zimbabwe muhurongwa uhu sezvo yakaputsa chirangano chekuti iite sarudzo dzakachena uye kuremekedza kodzero dzevanhu.

Kunyangwe hurumende iri kuti yakaita sarudzo dzakachena, America nemamamwe masangano emunyika neSADC, African Union nemamwe vanoti sarudzo dzakaitwa gore rapera hadzisvike pachikero chinotarisirwa munyika.

Mukuzeya nyaya iyi, tabata nyanzvi munyaya dzezvehupfumi Muzvare Chenai Mutambasere avo vati pasina rutsigiro rweAmerica zviri kuitwa kutungana kwembudzi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:02 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG