Accessibility links

Breaking News

VaMnangagwa Voenda kuVictoria Falls Mangwana Mushure Mukumbotyisidzirwa neMabhambo


Mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vari kutarisirwa kuenda kuVictoria Falls mangwana kunovhura zviri pamutemo musangano wemakurukota ezvemari kana kuti United Nations Economic Commission for Africa (Uneca).

VaMnangagwa vakambokundikana kuenda kumusangano uyu nemusi weChishanu mushure mekunge paita mashoko ekuti pane ange ateya mabhambho panhandare dzendege. Mashoko aya akatumidzirwa kukambani yeFastjet nemunhu anozviti John Doe.

Kazhinji vanhu vanozviti ana John kana Jane Doe vanenge vasingadi kuzivikanwa mazita avo kana kuti vanenge vasati vazivikanwa mazita avo zvikuru munyaya dzine chekuita nematare nekupondwa kwevanhu. Mutevedzeri wemutungamiri wenyika VaConstantino Chiwenga vakazomanikidzwa kutora nzvimbo yaVaMnangagwa.

VaMnangagwa vakabva vavandudzawo hutungamiri hwehutungamiri hwemauto emuchadenga musi uyu. Vamwe vanoti zvakaitika izvi zvine chekuita nekunetsana kunonzi kuri mubato reZanu-PF mushure mekunge dunhu reMasvingo razivisa kuti riri kutsigira kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga. Nekusagadzikana mubato, mamwe matunhu haana chaati ataura nezvenyaya iyi.

Asi mumashoko kuvatori venhau, mutauriri waVaMnangagwa, VaGeorge Charamba vakati nyaya dzine chekuita nekudzivirirwa kwenyika hadzifanire kutorwa sedambe. Mashoko aya atsinhirawo nemukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira.

please wait

No media source currently available

0:00 0:00:58 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika vachidzidzisa paRhodes University kuSouth Africa Doctor Tinashe Munyarari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:40 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG