Accessibility links

Breaking News

Muzvare Moreblessing Ali Vanoradzikwa Kwapera makore Maviri Vapondwa


Muzvare Moreblessing Ali varadzikwa kuChitungwiza.
Muzvare Moreblessing Ali varadzikwa kuChitungwiza.

Vanhu vakawanda vanonzi vaungana kumarinda eZororo kuChitungwiza uko kwaradzikwa vaive nhengo yebato reCitizens Coalition for Change, Muzvare MoreBlessing Ali, mushure memakore anoda kusvika maviri vpondwa naPious Jamba, anove nhengo yebato reZanu-PF.

Jamba akatotongerwa kugara mujeri kwemakore makumi matatu.

Vachitaura pakuvigwa kwemwana wavo, Baba waMuzvare Moreblessing, VaJimmy Ali, vati vanotenda kuti vakwanisa kuzoviga mwana wavo, vachiti vakanga vasisafungi kuti achiriko nekuda kwekureba kwenguva kubva zvaakashaya.

Gweta remhuri yekwaAli, vari vaimbove mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, vatiwo rufu rwaMuzvare Moreblessing rwunofanirwa kuve chidzidzo chekuti vanhu havafanirwi kuurayirana zvematongerwo enyika.

Asi panonzi pamboita kurwisana kwezvikwata zvanga zvichizviti zvitsigira vaimbove mutungamiri weCCC, VaNelson naVaSikhala.

Zvinonzi chikwata changa chichiti chinotsigira VaChamisa changa chisingade kuti VaSikhala vataure parufu urwu, kunyange hazvo vari ivo vakanzi nemhuri yekwa Ali ndivo mutauriri panyaya iyi.

Nyanzvi mune zvematongerwo enyika vachitungamira bato reDemocratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti vanozvitenda kuti mutumbi waMuzvare Moreblessing Ali wazochengetedzwa sezvo mhuri yavo yakanga yaramba kuuviga ichiti VaSikhala vatange vabuda mujeri.

Doctor Zembe vanoti kunonoka kuchengetedzwa kwemutumbi waMuzvare Ali kwaitove kutyora tsika dzechivanhu kwaiitwa nevatungamiri vehurumende, avo vavanoti vaimbunyikidza VaSikhala izvo zvakanonotsawo hurongwa hwese.

please wait

No media source currently available

0:00 0:01:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG