Accessibility links

Breaking News

Sangano reWILSA Rinokumbira High Court Kuti Mutemo Unobvumidza Kubviswa kwePamuviri Uvandudzwe


Women And Law in Southern Africa
Women And Law in Southern Africa

Apo tapinda mumwedzi waKurume uyo unocherechedzwa semwedzi wekurwira kodzero dzevanhukadzi, rimwe remasanganano akazvimirira anorwira kodzero dzevanhukadzi, reWomen and Law in Southern Africa raenda kumatare edzimhosva nechikumbiro chekuti mutemo unobvumidza kubviswa kwepamuviri, uyo wakadzikwa muna 1977, uvandudzwe.

Amai Ivy Chimedza, gweta rinoshanda nesangano reWomen and Law in Southern Africa, kana kuti WILSA, vaudza Studio 7 kuti vaisa chikumbiro kudare repamusoro reHigh Court, chekuti mutemo wekubvisa pamuviri uvandudzwe kuti ubvumirewo vanasikana vasati vabvazera pamwe nemadzimai anobatwa chibharo muwanano kuti vabvumirwewo kubvisa pamuviri.

Amai Chimedza vati, “Vana vasati vabvazera vasina kubatwa chibharo vanorambidzwa kubvisa pamuviri pamwe nemadzimai anobatwa chibharo muwanano. Saka chikumbiro chataisa kudare ndechekuti mutemo wekubvisa nhumbu uyu uvandudzwe kuti madzimai awa abvumirwe kubvisa.”

Amai Maxine Chisweto, vanoshanda nesangano reVeritas, vati zvakakosha kuti mutemo wekubvisa pamuviri uyu uvandudzwe vachiti vana vakawanda munyika vari kufa vachiedza kubvisa pamuviri zvisiri pamutemo.

Amai Chisweto vati, “ Tave nenguva yakareba tichinzwa kuti vana vakawanda varikufa gore negore vachiedza kubvisa nhumbu zvisiri pamutemo zvinozovakuvadza.

madzimai achangobva kusununguka vana.
madzimai achangobva kusununguka vana.

Mitemo yenyika inoshuvira kuchengetedza vana. Saka izvi zvinoda kubatsira kuti kunyangwe vaya vakaroodzwa vari vana vakwanise kubatsirwa nyore kubvisa nhumbu.”

Asi nyanzvi mune zvehutano uye vaimbove gurukota rezvehutano, Doctor Henry Madzorera, vati havaoni zvakanaka kuti vana vasati vabvazera nemadzimai ari muwanano anenge aita pamuviri vakwanise kubvisa pamuviri vachiti zvinoita kuti vanhu vave nemweya wekuuraya uyewo vachiti panyaya dzehutano hurumende inofanirwa kusunga dzisimbe kuona kuti zvinhu zvagadziriswa kuzvipatara.

VaMadzorera vati, “Maonero angu ndeekuti tinoumba nyika isingatyi kuuraya. Chandofunga kuti chofanirwa kuitwa nehurumende kubatsira vana vanenge vaita nhumbu kugadzirisa zvinhu munyaya dzezvehutano.”

Muchikumbiro chayaisa kudare ichi, WILSA yadoma bazi rezvehutano, dare reparamende nehofisi yemuchuchusi mukuru wenyika semapoka ane chekuita nenyaya iyi.

Mutauriri webazi rezvehutano, VaDonald Mujiri, vati vanga vasingakwanise kutaura nezvenyaya iyi vakati tibate gurukota rezvehutano, VaDouglas Mombeshora, asi nharembozha yavo yangaisingapindi.

Hatina kukwanisa kunzwa kuparamende pamwe nehofisi yemuchuchisi mukuru kuti vatambidzwawo here magwaro anovazivisa nezvedanho resangano iri kumatare.

Sangano reWILSA riri kuda kuti mutemo wekubviswa kwepamuviri uwandudzwe.
Sangano reWILSA riri kuda kuti mutemo wekubviswa kwepamuviri uwandudzwe.

Sachigaro wekomiti inoona nezvehutano mudare reNational Assembly, VaDaniel Molekele, vati dare reparamende rave nemakore richitaura kuti mutemo uyu uvandudzwe, uye vati vari kutarisira kuti mutemo uyu uchaenda kudare reparamende panguva shoma iri kutevera.

Vati vavariro yavo ndeyekuti mwana weZimbabwe wese azoisa pfungwa dzake kuti mutemo uyu ungavandudzwe sei uye ndivanaani vangabvumirwe zviri pamutemo kubvisa pamuviri?

“Tinotarisira kuti panguva yeparamende iripo iyi kuchavandudzwa mutemo uyu. Tichapa vana veZimbabwe mukana wekuti vataure kuti mutemo uyu ungavandudzwa sei tichatenderera Zimbabwe yese,” vanodaro VaMolekele.

Pari zvino mutemo weTermination of Pregnancy Act, uyo wakadzikwa nyika isati yawana kuzvitonga kuzere muna 1977, unobvumidza kubviswa kwenhumbu chete kana pamuviri apa pachiisa mudzimai akazvitakura panjodzi, kana mwana ari mudumbu ane hurema hwakanyanyisa, kune avo vanenge vabatwa chibharo, neavo vanenge vaitiswa pamuviri nehama yepedyo.

Vanobvisa pamuviri zvisiri pamutemo munyika vanogona kutongerwa kugara mujeri kwemakore mashanu.

Gwaro reHealth Demographic Survey rakapedzisira kuitwa muna 2015 raiti zvikamu makumi matatu kubva muzana zvevanhu vanofa vakazvitakura vaifa nekuda kwekubvisa pamuviri nenzira dzisina kufanira

Rimwe gwaro rinonzi 2020 #VoiceandChoice SADC Gender Protocol Barometer rinotiwo kubviswa kwepamuviri nenzira dzisakafanira kunonyanyobata varombo, vasina kuroorwa pamwe nevana vasati vabva zera.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:48 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG