Accessibility links

Breaking News

Mashoko eKuti Dzinhandare Dzinogona Kunge Dzateyiwa Mabhambu Anotadzisa VaMnangagwa Kuenda kuVictoria Falls


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa

Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakundikana kuenda kuVictoria Falls mushure memashoko ekuti panhandare yendege yeko panogona kunge paine bhambu.

Mutauriri wemutungamiri wenyika, VaGeorge Charamba, vazivisa kuburikidza negwaro kuti mangwanani eChishanu vanoona nezvenhandare dzendege munyika, veZimbabwe Airport Authorities, vaziviswa kuburikidza nekambani yendege yeFASTJET kuti pane munhu azviti John Doe ati panogona kuita njodzi yemabhambu kana pfuti panhandare dzendege dzenyika.

VaCharamba vati nekuda kwemashoko aya, ayo avati ari kuferefetwa, kuchengetedzwa kwedzinhandare dzemunyika kwawedzerwa.

VaMnangagwa vanga vachitarisirwa kunotaura kumusangano weInternational Energy Development wanga uchiitirwa kuVictoria Falls.

Asi mutevedzeri wavo, VaConstantino Chiwenga, ndivo vanonzi vazotaura vakamirira mutungamiri wenyika.

Forum

XS
SM
MD
LG