Accessibility links

Breaking News

VanaChiremba neVakoti Vambosendeka Parutivi Hurongwa Hwekuratidzira


VASHANDI MUBAZI REHUTANO
VASHANDI MUBAZI REHUTANO

Sangano rinomirira vashandi vemubazi rezvehutano reHealth Apex Council, rinoti rambomisa hurongwa hwekuratidzira hwanga hwuchifanira kutanga nhasi

Vashandi vanoti vatora danho iri mushure mekusangana nekomisheni inoona nezvenyaya dzevashandi mubazi rezvehutano yeHealth Service Commission munhaurirano pamusoro pezvichemo zvavo zvemihoro nemashandiro avo vasina zvikwanisiro zvakakwana.

Gurukota rezvehutano Dr Douglas Mombeshora nezuro vakaudza vatori venhau kuti kukanda mapadza pasi mubazi rezvehutano kukanganisira nyika sezvo varwere vachida rubatsiro nguva nenguva.

Mukuru wevashandi musangano reHealth Apex Council, VaJames Sibanda vanoti nhasi vaita musangano nemushandirwi wavo anova hurumende vakawana mukana wekutura zvichenmo zvavo kukomisheni inoona nezvevashjandi vebazi rezvehutano uye vave kumirira kunzwa zvicjhabuda muhurongwa hwe hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Asi sachigaro vekomisheni yeHealth Service Commission, Dr Chris Pasi vetenda kuti vaita musangano asi vachazivisa zvizere mangwana.

Vashandi vebazi rezvehutano kusanganisira vana chiremba nevakoti vagara vachichema nerekuti mari dzavari kutambira hadzichakwani sezvo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba.

Forum

XS
SM
MD
LG