Accessibility links

Breaking News

ZINARA Yokakavadzana neMakanzuru neNyaya yeMari dzeMitero


Kukandirana nyoka mhenyu pakuti ndiani anofanirwa kunge achigadziridza migwagwa yemumaguta nemadhorobha kuri kuenderera mberi pakati pebazi rehurumende rinotora mitero yedzimotokari pamwechete nemari dzinobhadharwa pamaTollgate, reZINARA, nemakanzuru kwasiya vagari vachichema kuti vave kuitwa huswa huri pari kurwa nzou.

Muimbi ane mukurumbira Leornard Zhakata akaimba achiti, “panorwa nzou, nyatwa yehuswa kutsokodzerwa.” Ndizvo zviri kusanganikwa nazvo nevagari vemumaguta nemadhorobha akawanda munyika, avo vari kufamba mumigwagwa ine makomba anoita secharaurwa hove.

Asi kunyange zvakadaro, sachigaro webhodhi reZINARA, VaGeorge Manyaya, vakaudza vatori venhau muHarare nezuro kuti haisi mhosva yeZINARA kuti makanzuru ari kutadza kuita basa rawo rekugadzira migwagwa, vachiti vari kuapa mari yekuita basa iri.

Asi mutevedzeri waMeya weguta reHarare, Muzvare Rosemery Muronda, vanoti haibatsiri mari yavari kuwana kubva kuZINARA nekuti inenge iri shoma zvakanyanya.

ZINARA inoti pamabhiriyoni mazana masere ane zviuru makumi matanhatu nesere emari yemuno (ZWL868bill), yayakawana mugore radarika, chikamu chinoda kusvika makumi mapfumbamwe kubva muzana (88%), chemari iyi, chakawaniswa mapoka anogadzira migwagwa, anosanganisira makanzuru.

VaPeter Nyapetwa, munyori musangano rinomirira vagari vemuEpworth, vanoti dzangova nharo vanhu kuramba vachishandisa motokari mumigwagwa yemuHarare.

Vaimbove Meya weguta reHarare, VaBernard Manyenyeni, vaudzawo Studio 7 kuti kugadzirisa dambudziko rekugadzirwa kwemigwagwa iri, makanzuru ndiwo anofanira kudzoserwa simba rekutora mitero yedzimotokari.

Asi VaManyaya vanodzoka zvakare vachiwedzera munyu paronda mushure mekubvunzwa kuti vanozvionawo sei zvekuwedzerwa kwakaitwa mitero yemaTollgate.

Mumusangano nevatori venhau wakaitwa neZINARA uyu, zvakaziviswawo kuti munyika mune motokari dzinosvika miriyoni imwechete nezviuru mazana maviri (1.2million), asi dziri kubhadhara mitero dzinosvika zviuru mazana masere (800, 000) chete.

ZINARA yakatiwo nyaya dzekusashandiswa kwemari nemutowo wakanaka dzaiitika mumakore adarika yava nhoroondo sezvo bhodhi idzva rakagadzwa gore rapera iri riri kugadzirisa zvinhu.

Asi dzimwewo nyanzvi dzezvematongerwo enyika dzinoti shiri ine muririro wayo haiuregi.

Mumakore adarika ZINARA yaigaropomerwa mhosva yekusashandisa mari nemazvo, ukuwo hurumende ichipomerwawo mhosva yekukama vedzimotokari kuburikidza nemitero iri pamusoro yavari kubhadhariswa.

Kanzuru yeguta reHarare mukutanga kwegore rino yakazivisa kuti ine chido chekugadzirisa migwagwa yayo yose gore roga roga kwemakore mashanu anotevera izvo zvinoda mamiriyoni mazana maviri nemakumi mashanu emadhora ekuAmerica, (US$250 million) asi iri kukundikana kuita izvi nekuda kwekushaiwa mari.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:28 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG