Accessibility links

Breaking News

Dare raMejasitiriti Roshorwa neKuramba Richishandisa Mutemo Wakaraswa neMatare ePamusoro


Dare reHigh Court.
Dare reHigh Court.

Svondo rino dare repamusoro reHigh Court rakatsinhira zvakare mutongo wakambopiwa kare nedare repamusorosoro reConstitutional Court wekuti Chikamu 31 chemutemo weCriminal Law Reform and Codification Act hachichashandi.

Izvi zvinotevera kurasa kwarakaita mutongo wakanga wapiwa nedare ramejasitiriti kune vaive mumiriri weMount Pleaseant muparamende, Muzvare Fadzayi Mahere, avo vaive mutauriri weCCC, pamhosva yekushambadza manyepo yavakabatwa nayo nedare repasi iri muna 2023.

Asi dare ramejasitiriti richiri kuramba richitonga vanhu richishandisa mutemo uyu, sezvarakaita mwedzi uno kune vaive mumiriri weZengeza West muparamende, VaJob Sikhala, avo rakawana vaine mhosva yekushambadza manyepo rakavati vabhadhare faindi kana kuti vaokandwa mujeri.

Magweta aVaSikhala akati ari kupikisa mutongo uyu kudare repamusoro achiti mutemo uyu wakatarwa kare kuti hauchisiri mubumbiro remitemo.

VaJob Sikhala.
VaJob Sikhala.

Muna 2021, dare reHigh Court rakarasa nyaya yaipomerwa mutori wenhau Hopewell Chin’ono richiti Section 31 of the Criminal Law Reform and Codification Act mutemo wakanga usisashandi zvichitevera kuraswa kwawakaitwa muna 2014 neConstitutional Court.

Muna 2014 dare repamusorosoro iri rakati mutemo uyu wakanga usisashande nekudaro rakachenura vatori venhau vaviri vanoti Constantine Chimakure naVincent Kahiya, pamwechete nebepanhau reZimbabwe Independent, mushure mekunge vapikisawo mutemo mumwechetewo zvichitevera kuwanikwa kwavakaita vaine mhosva nematare epasi.

Saka mubvunzo uri pamiromo yevakawanda ndewekuti sei mapurisa nedare repasi vachiri kushandisa mutemo uyu?

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice, VaKennedy Masiye, vanoti kuramba dare richishandisa mutongo uyu ndizvo zvinozopa kuti vanhu vati munyika hamutewedzerwu mutemo.

Vamwe vanorwira kodzero dzevanhu vanoti zvinozosiya vamwe vave nemaonero ekuti mutemo uyu wave kushandiswa nehurumende kumbunyikidza vanoishoropodza kana kuipikisa.

Dare reConstitutional Court.
Dare reConstitutional Court.

Asi gweta vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti zvakaitwa nedare reHigh Court zvinoratidza kuti hurumende inoremekedza mutemo, uye nyika ine mutemo.

Doctor Mavaza vanoramba kuti Zanu PF inopindira munyaya dzinenge dziri kumatare edzimhosva.

VaMasiye vanoti kuti nyaya iyi igadziriswe zvachose, paramende inofanirwa kuvandudza mutemo uyu, uye mitemo yose isiri kufambirana nebumbiro remitemo inofanirwa kugadziriswa.

Doctor Mavaza vanotiwo nechikonzero chekuti dare repamusoro rarasa mutemo uyu, havaoni mapurisa enyika achiita pikerere nawo, zvichireva kuti vanenge vasisasungawo vanhu vachiti vatyora chikamu chemutemo ichi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:05:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG