Accessibility links

Breaking News

Dhora reNyika Roramba Richishaya Simba Zvokonzera Kukwira kweMitengo yeZvinhu


Mari yemunyika iri kuramba ichishaya simba kana ichienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Mari yemunyika iri kuramba ichishaya simba kana ichienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Apo dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica, vanoongorora zvehupfumi nezvemagariro evanhu akanaka vanoti matambudziko ari kukonzerwa nekushaya simba akaita sekukwira kwemitengo zvenhu, zvikuru yezvekudya, achatodarika ipapa sezvo nyika yakatarisana nenzara inotyisa.

Mumwe mugari wekwaMurehwa mudunhu reMashonaland East, Amai Tendai Mukombwe, vanoti muzvitoro zvekwavagere mitengo yezvekudya iri kukwira kwese kumadhora emunyika nemadhora emuAmerica.

"Two kg shuga fanika iye zvino yanga yakuda kutovavarira kuda kupinda mu three (dollars). Flour neshuga ne rice, aah, ndizvo zvachinja chinja ma prices izvozvo. Mafuta aiwa achiri nani, haasati akwira mutengo," vanodaro Amai Mukombwe.

Nyanzvi munyaya dzemagariro evanhu, vari mukuru anoona nezvekufambiswa kwezvirongwa musangano reZimbabwe Network for Social Justice, asi vachitaura vakazvimirira, VaTendai Ruben Mbofana, vanoti kushaya simba kwedhora remunyika kwave kuita kuti veruzhinji vave nhapwa sezvo vakawanda vachiri kutambira mihoro yavo mumadhora emunyika.

"Vanhu vari kutambura VaKandemiiri nekuti vazhinji vachiri kuhora ma bond, vari kuhora ma US vashomanini. Saka tuma bond itwotwo twavari kuhora twakupinda muma 20 000 rate, kuma 18 000 rate. Uchada kutuchinja kuti twuite maUS kuti uende kunotenga natwo. Wachinja paya uchaona kuti uchasarirwa ne$50.00 (US) chaiyo," vanodaro VaMbofana.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti izvi zviri kuratidza kuti zvinhu hazvichina kurongenga zvachose mune zvehupfumi hwenyika.

"Zvinoratidza izvo kuti ma policy atakatarisana nawo kutarisa kuti multi-currency, takatarisira interchange auction, takatarisa zvinhu zvana gold-backed digital currency nezvimwe zvakadaro zviri kutiratidza izvo kuti hazvisi kushanda. So taitotarisirawo kuti dai vehurumende vakasika kugadzirisa hupfumi hwenyika," vanodaro Muzvare Mutambasere.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vari chipangamazano chebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya, vanoti hurumende pamwe nebhanga guru renyika vari kurwisa siku nesikati kuti dhora remunyika ringe richigadzikana.

"Hurumende iri kuchenaira zvakanyanyisisa nekuti Zimbabwean dollar ndiyo mari yedu. Zimbabwean dollar ndiyo yatinofanira kunge tichiriritira zvakanyanya, kunyanya vari kubhanga guru rehurumende nevavanoshanda navokunge vachiita izvozvo. Saka vari kurwisa zvakanyanya. Tichanzwa paMonetary Policy Statement yedu yatakatarisira anytime from now," vanodaro vaGwanyanya.

Nhasi dhora rekuAmerica kumabhanga nekuzvitoro ranga richitenegswa nemadhora emunyika zviuru gumi nezvina zvine mazana matatu nemakumi maviri, kana kuti US$1.00 to ZWL$14, 320.00. Pamusika mutema, dhora rekuAmerica ranga richiita madhora emunyika zviuru gumi nezvisere nemazana mashanu, kana kuti US$1.00 is to ZWL$18,500.00.

Mutengo werofu rechingwa wanga uri pamadhora ari pakati pezviuru gumi nezvinomwe kusvika kuzviuru gumi nezvipfumbamwe nemazana matatu, kuchitiwo tsapo yehupfu inorema makirogiramu paUS$6.50 kana kuti ZWL$114 237.50.

Makirogiramu maviri eshuga anga achitengeswa neUS$2.80 kana kuti ZWL$49 210.00, kuchitiwo makirogiramu maviri emupunga achitengeswa neUS$2.80 kana kuti ZWL$49 210.00.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:53 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG