Accessibility links

Breaking News

VaBiden Vanoti Vane Chivimbo Chekuti Hondo yeIsrael neHamas Ichambomira Svondo Rinouya


Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vanoti vari kutarisia kuti pachaitwa chibvumirano chekumbomisa hondo muGaza svondo rinouya.

Asi mutungamiri wehurumende yeIsrael VaBenjamin Netanyahu vanonzi nemamwe mapepanhu vati havasi vasumwa nezvehurongwa uhu.

Nyika dzakawanda dzemuMiddle East neAmerica dziri kupinda munhaurirano dzekumboyedza mumisa hondo iyi.

VaBiden vakataura mashoko aya vari kuNew York uko vaitsvaga mari yekuti vakwikwidze musarudzo dzemutungamiri wenyika muna Mbudzi gore rino.

Hondo iyi yakatanga musi wa 7 Gumiguru gore rapera apo chikwata cheHamas chinoonekwa sechinpfurikidza mwero neAmerica chakapinda muIsrael ndokuuraya vanhu chiuru chimwe chete nemazana maviri kana kuti 1,200.

Mauto eIsrael akabva apindawo muGaza umo anonzi nebazi rezvehutano mudunhu iri auraya vanhu vanoda kusvika zviuru makumi matatu kunyanya vana nemadzimai.

Forum

XS
SM
MD
LG