Accessibility links

Breaking News

Vanotengesa Mumigwagwa Vochema neMitero yaVaMthuli Ncube


Chinhoyi Vendors
Chinhoyi Vendors

Zimbabwe Chamber of Informal Economy Associations inoshanda nevanotengesa mumigwagwa iri kukurudzira hurmende kuti ibvise mutemo wekuvamanikidza kubhadhara mitero vachiti zvinhu zvakavaomera parizvino.

Mutemo uyu wakadzika negurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube pavakaparura bhajeti regore rino vachiti inzi yekutsvaga mari kuti hurumende iite mabasa ainotarisirwa kuita.

Munyoru mukuru wesangano reZCIEA iri VaWisborn Malaya vaudza Studio 7 kuti vari kuyedza kutaurirana nemapazi ehurumende anoona nezvehupfumi kuti asavamanikidze kubhadhara mitero iyi.

VaMalaya vanoti vakatoita musangano negurukota remadzamai mavhiki apfuura apova kazeya nezvenhuna dzavo.

"Tiri mushishi kuyedza kunyorera hurumende kuti idzore moyo sezvo nhengo dzedu kubva kumatunhu akasiyana munyika dziri kutarisana nekushungurudzwa nemapurisa ekanzuru nenyika pamusoro pemarezenesi anodiwa nakanzuru neZIMRA panguva iyo zvinhu zvakaomera vanhu vazhinji munyika," VaMalaya vaudza Studio7.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG