Accessibility links

Breaking News

Muzvare MoreBlessing Ali Votarisirwa Kuradzikwa neMugovera


Umsekeli webandla leCCC uNkosazana Moreblessing Ali othunjwe mhlaka 24 ngoNkwenkwezi.
Umsekeli webandla leCCC uNkosazana Moreblessing Ali othunjwe mhlaka 24 ngoNkwenkwezi.

Muzvare MoreBlessing Ali vaive nhengo yebato rinopikisa reCitizens Coalition for Change vakapondwa nenhengo yeZanu-PF, Piuos Jamba vave kutarisira kuradzikwa nemusi wa 2 Kurume.

Mutumbi waMuzvare Ali uri mumochari kubva muna 2022 sezvo hama dzavo dzange dzichiti hadzisi kuzovaradzika kusvika gweta remhuri VaJob Sikhala vaburitswa mujeri reChikurubi ravange vaendeswa vachipomerwa mhosva dzakasiyana siyana kusanganisira kupesevdzera mhirizhonga pavakapondwa.

VaSikhala vakazoburitswa muhusungwa zvopa kuti hurongwa hwekuradzikwa kwaMuzvare Ali hutange zvakare.

Vachinyora padandemutande reX, raimbonzi Twitter, hanzvadzi yaMuzvare Ali, VaWashington Ali vazivisa nezvekuradzikwa kwavo vakati hama neshamwari dzakasungunuka kubatana navo pakuvaradzika. Vatendawo VaSikhala nekumira nemhuri yavo.

Forum

XS
SM
MD
LG