Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi muNyaya dzeHupfumi VaSteve Hanke Vanoti VaMthuli Ncube Ngavasiye Basa Nekuti Vakundikana


Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube
Gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube

Nyanzvi munyaya dzezvekukwira kwemitengo yezvinhu kana kuti Infaltion pasi rose, muZvinafundo Steve Hanke vemuAmerica vari kukurudzira kuti gurukota rezvemari Muzvinafundo Mthuli Ncube kuti vasiye basa vachiti vakundikana kudzikamisa mitengo yezvinhu.

Vachinyora padandemutande ravo re X yaimbonzi Twitter, Muzvinafundo Hanke vati pagore, mitengo yezvinhu muZimbabwe yakwira nezvikamu chiuru chimwe chete nemazana matatu nemakumi mapfumbamwe nemanomwe kubva muzana kana kuti 1, 397%.

Nyika dziri kutevera zimbabwe pakushaya simba kwedhora nekudhura kwezvinhu iargentina nenigeria uye nyika dzine hondo dzakaita sesyria nesudan. Nyanzvi yezvehupfumi vachishanda sechipangamazano chebhanga guru renyika Rereserve Bank of Zimbabwe, VaPersistence Gwanyanya vanoti havabvumirani nemuono wa Muzvinafundo Hanke.

Vanoti Muzvinafundo Hanke vanoshandisa nzira dzinowederedza kudarika zvazviri pakutarisa nekuongorora nyaya dzezvehupfumi munyika zvinopa kuti maonero avo asafanane nehurumende nemapazi e hurumende.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:18 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG