Accessibility links

Breaking News

America Inopemberera Nhoroondo yeVatema Mumwedzi Uno waKukadzi


Mwedzi waKukadzi gore rega rega, America inopemberera nhoroondo yevatema, kana kuti Black History Month.

Pfungwa yekupemberera nhoroondo yevatema yakatanga muna 1926 apo munyori mutema wenhoroondo, VaCarter G. Woodson, nenhengo dze Association for the Study of Negro Life and History, iyo yave kunzi The Association for the Study of African American Life and History, vakatanga kuungana kwesvondo rimwe chete pagore, kana kuti Negro History Week, muna Kukadzi wega wega.

Mhemberero idzi dzaiitwa mumwedzi waKukadzi sezvo mwedzi uyu uri pedyo nebhavhudhe revaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaAbraham Lincoln, avo vakasungunura vatema kubva muhutapwa.

Kubva muna 1976, vatungamiri veAmerica vakatangawo kutungamira nyika mukucherechedza zuva iri.

Dzimwe nyika dzakaita seCanada neBritain vanotorawo mwedzi wose kurangarira nhoroondo yevatema.

Gore rino dingindira rakanangana nekutarisa zviri kuitwa munyaya dzemitambo kana kuti “Black Americans and the Arts.”

Imwe nyanzvi munyaya dzezvematongerwo enyika, Muzvinafundo Gadziro Gwekwerere, vanoti kupemberera nhoroondo dzevanhu vatema chinhu chinokosha zvikuru sezvo zvichipa vatema ruzivo rwezvakaitika uye zvakaitwa nevanhu vatema kunyangwe havo vaisarurwa vachidzvinyirirwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG