Accessibility links

Breaking News

Jah Prayzah naWinky D Votumira Nhume Kunotora Mikombe yeNAMA


Winky D . (S. Mhofu/VOA)
Winky D . (S. Mhofu/VOA)

Vaimbi vane mukurumbira zvikuru munyika Jah Prayzah naWinky D vakawanna mibayiro yepamusoro kumakwikwi eeNational Arts Merit Awards kana kuti NAMA akaitirwa kuZimbabwe International Trade Fair muBulawayo nezuro manheru.

Asi vaviri ava vanonzi vakagumbura vamwe vainge vabhadhara mari kuti vavaone mushure mekutumira nhume dzavo.

Winky D, uyo ane nziyo dzakawanda dzisiri kuridzwa panhepfenyuro dzeZBC nedzimwe dzakarerekera kuhurumende uye ari kurambidzwa nemapurisa kuimba zvine chekuita nehuori ndiye akasarudzwa nevakawanda semuimbi anofarirwa zvakanyanya kana kuti 'People’s Choice Award' kumakwikwi

Winky D ainge akarudzwa muchikamu che'People’s Choice Award' pamwe nevamwe vaimbi vakaita saHoly Ten, Saintfloew, Voltz JT nemumwe anoita zvekusetsa vanhu Mai Kirifodhi. Winky D gore rapera akazivisa vanhu kuti ainge arambidzwa kuridza kambo kake kaakaimba naHoly 10 kanonzi “Ibotso”.

Kurambidzwa kwake kuimba kambo aka nemapurisa nevatsigiri veZanu-PF zvakashorwa nemasangano anorwira kodzero dzevanhu munyika nekunze.

Asi izvi hazvina kumisa vanhu kuvhotera muimbi uyu. Winky D akangosarudzwa neNAMA kunyangwe asina kuendesa zita rake kana mimanzi yake kumakundano aya.

Imwe shasha yekuimba Jah Prayzah nedambarefu rake rinonzi 'Chiremerera' ndiye akapihwa mubairo wedambarefu rakafarirwa nevakawanda kana kuti 'Outstanding Album'. Mamwe madambarefu ainge adomwa anosanganisira, 'Season 4 Jesus' reJoyful Praise Choir uye 'Trophy' raFreeman. Enzo Ishall nekambo kake kanonzi Raroorwa ndiye akapihwa mubairo wekambo kakakunda dzimwe nziyo. Pamakwikwi aya pange painewo nziyo dzinoti One by One kaJulian King naSaintfloew uye Chiremera kaJah Prayzah.

Mumwewo muimbi achiri kusimukira anozivikanwa zvikuru muguta reBulawayo Vuyo Brown uyo ange akadomwawo kukwikwidza pasi pemubairo wemuimbi wechidzimai ari kushura mare kana kuti 'Outstanding Female Musician', anoti akafadzwa zvikuru nekudomwa kwake kunyange Feli Nandi ari iye akawana mubairo uyu.

Colette Musanyera weZBCTV ndiye akapiwa mubairo wemutori wenhau dzepaterevhizheni kana kuti 'Outstanding Journalist-Television'. Musanyera audza Studio 7 kuti ari kufara zvikuru kuti ndiye apihwa mubairo uyu kwamakore maviri akatevedzana.

"Ndirikunzwa kufara kuti ndakapiwa mubairo uyu kwemakore maviri akateedzana" Musanyera anotsanangura mufaro wake.


Vakafanobata chigaro chemukuru weNational Arts Council of Zimbabwe VaJosia Kusena vanoti vanoda kuti mabiko aya aitirwe mumatunhu ose kwete Bulawayo neHarare chete.

"Ehe NAMA haisi ye Harare ne Bulawayo chete asi tinoda kuti vanhu vazive kuti mibairo yemunhu wese wemu Zimbabwe anoita zvemitambo pamwe netsika nemagariro" mashoko aVa Kusena.

Nyanzvi yezvemitambo vari sachigaro wechikamu chezvidzidzo zvemitambo paUniversity of Zimbabwe Doctor Ngonidzashe Muwonwa vanoti kuendesa matambo kumatunhu ose kunobatsira kuti vanhu vasangofunge kuti Harare ndiyo ine vane zvipo kunyanya.

"Izvi tinozvitenda nekuti zvinoita kuti vanhu vasafunga kuti vane zvipo vanongowanika ku Harare chete" mashoko aDr Muwonwa.

Mibairo yema NAMA yakaparurwa mugore ra 2001 nesangano re National Arts Council of Zimbabwe nedonzvo rekusimudzira vanoita zvemitambo pamwe nebudiriro muchikamu ichi. Vakawanda muchikamu ichi vanogaro chemachema kuti zvirongwa zvakawanda zvinongoitirwa muguta reHarare ne Bulawayo vari kumaruwa nemumadhorobha madiki vasingabatsirike.

Forum

XS
SM
MD
LG