Accessibility links

Breaking News

CPJ Inoudza Hurumende Kuti Mauto Haasi Pamusoro peMutemo


Zimbabwe National Army
Zimbabwe National Army

Rimwe sangano rinorwira kodzero dzevatori venhua pasi rose reCommunity to Protect Journalists rinoti mauto emuZimbabwe haafanire kubatwa sekunge ari pamusoro pemutemo.

Izvi zvinotevera kutyisidzirwa kunonzi kuri kuitwa vatori venhau vebepanhau repadandemutande reNewsHawaks nemauto uye vakuru vehurumende mushure mekunge vanyora nyaya yehuori hunonzi hwakaitwa nevamwe vakuru muchiuto.

Vatatu vari kupomerwa mhosva dzehuori panyaya yekuwedzera zvisiri pamutemo mari dzakapihwa mauto dzekutenga dzimba vanoti Major-General Hlanganani Dube, Major General Paul Chima uye Major General John Mupande.

Asi mushure mekuburitswa kwenyaya iyi, mutauriri wemutungamiri wenyika VaGeorge Charamba vakayambira vatori venhau ava kuburikidza nebepanhau reHerald kuti vangwarire kufukura hapwa zvinogona kuzokonzera kusagadzikana munyika.

Mauto akatenda hawo mumashoko kuvatori venhau kuti ari kuferefeta vatatu ava asi veNewsHawks vanenge vainge vakurumidza kumedza kutsenga kuchada.

Mupepeti mukuru weNewshawks Dumisani Muleya anoti vatori venhau vari kuteverwa nevasori muchiuto uye vachityisidzirwa zvapa kuti vambomira kunyora nezvenyaya idzi.

Asi veCPJ vanoti hurumende inofanira kuchengetedza vatori venhau munyika.

Mukuru werimwe sangano rinorwira kodzero dzevatori venhau munyika reMISA-Zimbabwe VaTabani Moyo vaudzawo Studio 7 kuti mauto haafanire kutyisidzira vatori venhau asi anofanira kushandisa masangano anovamiririra kugadzirisa panenge pamuka gakava.

Forum

XS
SM
MD
LG