Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe Inopinda muNyika Gumi Dzine Mutengo weChikafu Uri Pamusoro Pasi Rose


World Bank Food Inflation
World Bank Food Inflation

Zimbabwe inonzi neWorld Bank ndeimwe yenyika gumi dzine mitengo yezvekudya iri pamusoro kudarika dzimwe dzose mupasi rose.

Izvi zviri mugwaro richangobva kuburitswa neWorld Bank rinoratidza mamiriro ezvinhu munyaya dzemitengo yechikafu pasi rose, iro rakaisa Zimbabwe pachinhanho chepiri panyika gumi dzine zvekudya zvinodhurisisa pasi rose.

Ongororo yebhanga repasi rose iyi inotarisa kukwira kwemitengo yezvinhu mukati megore, uye inoitwa mushure memasvondo maviri oga oga.

Mitengo yezvinhu muZimbabwe inonzi yakakwira nezvikamu makumi mashanu nezvitanhatu kubva muzana zvichienzaniswa nenguva imwechete gore rapera. MuArgentina, iyo iri pachichanho chepamusorosoro panyika gumi dzine mitengo iri pamusoro zvakanyanya, mitengo yezvekudya inonzi yakakwira nezvikamu makumi mana kubva muzana.

Dzimwe nyika dzemuAfrica dziri muchikamu ichi dzinosanganisira Egypt, iyo iri pachinhanho chechitatu, Malawi, iyo iri pachinhanho chechinomwe, ne Guinea, iyo iri pachinhano chechipfumbamwe. Izvi zviri kuuyawo panguva iyo nyika iri kutambura nenzara, iyo inonzi yapfunya chisero mumatunhu akawanda, zvoita kuti madzimambo nevakuru vematunhu vakumbire rubatsiro rwechikafu.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti kukwira kwemitengo yezvinhu muZimbabwe, kwete zvekudya chete, asi zvinhu zvese, kwakatombotaurwa neZIMSTAT magwaro rayo rapfuura.

Doctor Chitambara vanoti pane zvinhu zviviri zvavanoona zvakanyanya kukwidza mitengo muongororo yeWorld Bank iyi.

“Zviri kunyanya kukonzereswa nezvinhu zviviri. Chekutangisisa, supply yechikafu, especially takatarisa chibage, iri a bit limited. Then, number two, cost of production yekugadzira chikafu yakakwira nekukwidzwa kwakaitwa ma taxes uye kuindurojuswa kwakaitwa ma taxes na Minister of Finance,” vanodaro Doctor Chitambara.

Dzimwe nyika dziri mukati menyika gumi dzine mutengo wakanyanya dzinoti Lebanon, Viet Nam, Palestine, Haiti neGreece.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:20 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG