Accessibility links

Breaking News

Vatungamiri veMatunhu muMasvingo Vokumbira Rubatsiro rweChikafu rweChimbichimbi


World Food Programme inoti yakatotanga kupa rubatsiro rwechikafu.
World Food Programme inoti yakatotanga kupa rubatsiro rwechikafu.

Vatungamiri vematunhu manomwe emuMasvingo vanoti nzara yapfunya chisero mumatunhu avo zvichitevera kutsva kwezvirimwa muminda yavo, izvo zvaita kuti vakumbire rubatsiro rwechikafu nechimbi chimbi kumasangano akazvimirira pamwe nehurumende.

Vachitaura pamusangano waitwa nesangano reCitizens In Action Southern Africa (CIASA) wekutsvaga kudyidzana kwematunhu nevemasangano akazvimirira pamwe nehurumende, vana mudzviti nevanyori vematunhu aya vati zvinhu hazvichina kumira zvakanaka munharaunda dzavo.

Mutevedzeri wamudzviti wedunhu reMwenezi, VaMartin Unganayi, vati dunhu ravo ndiro rine dambudziko guru rekushaikwa kwechikafu, nekudaro vanoda rubatsiro nechimbi chimbi.

Zvirimwa zvizhinji zvatsva nezuva zviri muminda.
Zvirimwa zvizhinji zvatsva nezuva zviri muminda.

“Mwenezi ndiyo iri pamberi munya dzenzarasaka vanhu vanotoda rubatsirochaizvo,” vadaro VaUnganayi.

Vachitaurawo mumusangano uyu, mabharani wekanzuru yeGutu, VaAlexander Mutembwa, vati gore rino chero vanogara mumadhorobha vanodawo rubatsiro rwechikafu.

“Tichiri kuita vulnerability assement kuti tionevangani vanoda rubatasiro asi gore rino nevemudhorobha vanotodawo rubatsiro,”VaMutembwa vanodaro.

Mabharani wekanzuru yeChiredzi, Engineer Wesley Kauma, vati nzara yave kukanganisa zvirongwa zvebudiriro mudunhu ravo, nekudaro vanoda kubatira pamwe nemamwe masangano akakosha.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCIASA, VaAchford Madida vati vaita musangano uyu kuitira kuti masangano akazvimiria akwanise kushanda nemapazi ehurumende mukurwisa nzara nekuunza budiriro mumatunhu.

“Tinofara zvikuru kutitaita musangano uy nevakuru vehurumende kutiise musoro pamwe tikwanise kubatsira vanhu mudunhu redu reMasvingo,” VaMadida.

Musangano waitwa muMasvingo neICASA.
Musangano waitwa muMasvingo neICASA.

Munyori muhofisi yegurukota redunhu reMasvingo, Doctor Addmore Pazvakavambwa, vati hurumende pamwe nemasangano akazvimirira vakatotanga kubatsira vanhu zviuru zana nemakumi mashanu kuMwenezi nekwaChivi.

“Takatotanga kupa vamwe kwaChivi nekuMwenezi uye tinotarisira kuti tichawedzera mune dzimwe nzvimbo. Hapana anofa nenzara mudunhu,” VaPazvakavambwa vanodaro.

Ukuwo, gwaro remamiriro ezvinhu mumaruwa rakaburitswa neZimbabwe Vulnerability Assessment Committee kutanga kwegore rino rinoti vanhu vanopfuura mamirioni maviri nezviuru mazana manomwe, vanoda rubatsiro rwechikafu munyika yose.

Sangano reWorld Food Program rinoti rakatotanga kupa chikafu chinokosha madhora ekuAmerica mamiriyoni gumi nerimwechete kuvanhu vanodarika zviuru mazana maviri nemakumi matatu, kana kuti 230 000, kumatunhu anoti Chiredzi, Mangwe, Chivi, Mwenezi neBuhera.

Madzishe ekuMatabeleland akanyorerawo hurumende svondo rapera achikumbira rubatsiro rwechikafu sezvo mvura isina kunaya zvakanaka mumatunhu aya.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:51 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG