Accessibility links

Breaking News

America Inowedzera Zvirango kuRussia Zvichitevera Kufira muJeri kweAnopikisa Hurumende


VaAlexei Anatolyevich Navalny
VaAlexei Anatolyevich Navalny

Mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden neChishani vakatemerazve Russia zvimwe zvirango zvichitevera kufira mujeri svondo rapera kwemutungamiri webato rinopikisa muRussia, VaAlexei Navalny.

Zvirango zvakatemerwa Russia zvinopfuura mazana mashanu uye zvatemerwa pavanhu nemakambani akaita semabhanga neanotengesa mafuta ekufambisa dzimotokari.

Zvirango izvi zvinouya makore maviri kubva zvatanga hondo pakati peRussia neUkraine makore maviri apfuura uye zvirikuwedzerwa pane zvirango zvizhinji zvakatemerwa Russia makore maviri apfuura.

Vanodzidzisa zvemabhizimisi paDevry University, Muzvinafundo Elliot Masocha, vanoti zvirango izvi zvichavhiringawo dzimwe nyika dzinoita zvemabhizimisi neRussia, vachiti hapana nyika yati yambotemerwa zvirango zvakawanda seizvi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:19 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG