Accessibility links

Breaking News

VaMasisi Vonetsana neDare reParamende Ravo paNyaya Yekubvisirana Mavhiza neZimbabwe


MuBotaswana maita gakava rakakura pakati pemutungamiri wenyika iyi VaMokgweetsi Masisi nedzimwe nhengo dzedare reparamende panyaya yekuti pobviswa kushandiswa kwemavhiza here pakushanyirana neZimbabwe.

Kunyangwe VaMasisi nemutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vakambenge varova bembera vachiti vainge vaita chibvumirano chekusimbaradza kudyidzana nekurerutsa nyaya dzekushanyirana, muBotswana hamuna sungawirirano.

VaMasisi vakapira dare ravo reparamende hurongwa uhu kekutanga nemusi weChipiri asi zvakakonzera gakava vamwe vachiti hazvina zvazvinobatsira Botswana zvichienzaniswa neZimbawe iyo isina kugadzikana munyaya dzezvehupfumi nematongerwo enyika. Asi VaMasisi vakashora zvikuru dzimwe nhengo dzedare reparamende vachiti paruzhinji dzinoshora zvizvarwa zveZimbabwe, asi dzichizvipinza basa nemukoto.

VaMasisi vakatiwo hurongwa uhu hwakananga nekuderedza huwandu hwezvizvarwa zveZimbabwe hunopinda nekugara muBotswana zvisiri pamutemo.

Gurukota rinoona nezvemutemo muBotswana Amai Annah Maria Mokgetsi vakazivisa mazuva adarika kuti zvikamu makumi mapfumbamwe kubva muzana kana kuti 98% zvevanhu vanosungwa vasina magwaro ekugara munyika iyi zvizvarwa zveZimbabwe.

Mumiriri Francistown South, iyo iri makiromita makumi masere chete kubva pamuganhu wePlumtree Border Post, VaWynter Mmolotsi vanoti hurongwa hwekuti zvizvarwa zveZimbabwe zvipinde munyika iyi nyore huchaita kuti bhajeti reBotswana riwedzere.

Chimwe chizvarwa cheZimbabwe chinoita zvekusona muguta reFrancistown VaApply Goche vanoti hurongwa uhu huchabatsira zvikuru nekuti mapasipoti emuZimbabwe anodhura zvakanyanyisa kudarika enyika dzakawanda dzepasi rino.

Murwiri wekodzero dzevanhu uye vachishanda nesangano reZimbabwe Network for Social Justice kana kuti ZimJustice, VaTendai Rueben Mbofana vanoti kunyangawe zvakaoma, vanoona VaMasisi vachiramba vakamira semusambangwena.

Hatina kukwanisa kunzwa divi rehurumende yeZimbabwe panyaya iyi sezvo gurukota rezvekudyidzana nedzimwe nyika vange vasiri kudaira nharembozha yavo.

Asi vachitaura nevatori venhau pakupetwa kwemusangano weFourth Zimbabwe-Botswana Bi-National Commission munguva pfupi yapfuura, mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakati:

VaMasisi vanotiwo hurongwa uhu hunoenderana nezvibvumirano zvegungano reAfrican Union. African Union iri kuda kuti nyika dziri mugungano iri dzikwanise kushanyirana pasina mavhiza anodiwa kukurudzira kutengeserana kana kuti African Continental Free Trade Area. Nyika dzave kutoita izvi dzinosanganisira Rwanda neKenya, Benin Gambia neSychelles. Botswana ine chibvumirano neNamibia chekushanyirana pasina mavhiza.

Nyika dzekuchamhembe kweAfrica dzinokurudzirawo kubviswa kwemavhiza pasi pechibvumirano chinonzi SADC Protocol on Facilitation of Movement of Persons Treaty.

Nyika dziri mugungano reEuropean Union dzakabvisawo nyaya yekushandisa mavhiza pakushanyirana kwezvizvarwa zvadzo zvinonzi zvasimudzira kutengeserana nekushanyirana.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG