Accessibility links

Breaking News

Nyaya yeKuti VaMnangagwa Varambe Vari paNyanga Yokonzera Mutauro muNyika


Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.
Mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa.

Nyaya yekuti mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa, varambe vari pachigaro kudarika matemu maviri anobvumidzwa nebumbiro remitemo yasimudza mutauro mukuru munyika, vakawanda, kusanganisira dzimwe nhengo dzebato riri kutonga reZanu PF, vachishoropodza hurongwa uhwu.

Nyaya iyi yakasimudzwa nasachigaro veZanu PF mudunhu reMasvingo VaRobson Mavhenyengwa pamwe negurukota redunhu iri, VaEzra Chadzamira, avo vakaudza mhemberero dzezuva revechidiki dzakaitirwa kuMushagashe kwakare kuMasvingo kuti dunhu ravo riri kutsigira hurongwa hwekuti VaMnangagwa vatonge kusvika muna 2030.

Izvi zvakatsigirwawo nemumwe wevatevedzeri vemutungamiri wenyika, VaKembo Mohadi, asi zviri kushorwa zvikuru nevanopikisa, vamwe muZanu PF pamwe nevanoongorora zvematongerwo enyika, avo vanoti bumbiro remitemo yenyika haribvumidzi kuti mutungamiri anenge ari pachigaro avandudze bumbiro remitemo achizoshandisa zvakare mutemo waanenge avandudza.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda vakazvimirira, VaTawanda Dzvokora, vanoti vakagara vazviona kare kuti VaMnangagwa vane hurongwa hwekurambira pachigaro kuburikidza nekuparadza kwavaiita vanovapikisa, zvikuru bato reCCC.

Asi vamwe muZanu PF vanonzi vari kutsigira hurongwa uhu vachiti hunopa mukana kunaVaMnangagwa kuti vapedze zvirongwa zvebudiriro zvavakatanga zvinotarisirwa kupera muna 2030.

Asi sachigaro veZanu PF mudunhu reBritain, VaXavier Zavare, vanoti hapana chokwadi chekuti pane hurongwa hwekuti VaMnangagwa varambe vari panyanga, vachiti ivo VaMnangagwa mbune vakatozivisa kare kuti vachatevera bumbiro remitemo.

VaZavare vanoti mashoko akasimudzwa kuMasvingo akanangana nekuti VaMnangagwa vapiwe hupenyu hunodarika 2030, kwete kuti varambe vari pachigaro chekutungamira nyika, vachiti kana vachida kuti VaMnangagwa varambe vari panyanga vanogona kuzviita kubato ravo reZanu PF uko kusina nguva yekuti munhu agare pachigaro.

Asi VaDzvokora vanoyambira ruzhinji rwenyika vachiti vanhu vakasaramba hurongwa uhu hurumende yeZanu PF ichaparadza nyika sezvairi kuita kuparadza misha yevanhu vari kudzingwa munzvimbo dzavagara kwemakore.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:59 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG