Accessibility links

Breaking News

Amai Haley Votsidza Kuramba Vachikwikwidzana naVaTrump Musarudzo dzeMaRepublicans


Amai Nikki Haley
Amai Nikki Haley

Sarudzo dzemaby-elections dziri kuenderera mberi nemusi weMugovera apo bato re Republic Party richaita sarudzo mudunhu reSouth Carolina.

Mubato iri masara vanhu vaviri vari kukwikwidza, vanoti vaimbova mutungamiri we America, VaDonald Trump, nevaimbova gavhuna weSouth Carolina, Amai Nikki Haley.

Aka ndekekutanga vaviri ava vachikwikwidzana sezvo vamwe vaimbenge vachikwikwidza vakabuda.

Amai Haley, avo vakambodomwa na VaTrump kuti vave mumiriri weAmerica kuUnited Nations vari kushora VaTrump vachiti vanyanya kukura uye pfungwa dzavo hadzisi zvadzaimbova.

Parizvino, VaTrump ndivo vanoratidza kuva nerutsigiro rukuru rwokuti Amai Haley havangakwanisi kukunda.

Asi vachitaura kuvatori venhau nemusi weChipiri, Amai Haley vakati havasi kuzobuda mumakwikwi awa, vachiti vacharamba vachikwikwidza kusvika pekupedzisira.

Anenge akunda musarudzo ye Republican Party iyi anotarisirwa kukwikwidza ne mutungamiri weAmerica, VaJoe Biden, veDemocratic Party.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vachishanda nesangano reConcerned Citizens Zimbabwe, VaTim Muringayi, vanoti mamiriro akaita zvunhu musarudzo idzi anoratidza kuti Amai Haley vachabuda musarudzo idzi musi uchaitwa sarudzo nematunhu mazhinji, kana kuti ‘Super Tuesday’ sezvo musi uyu uriwo ucharatidza kuti VaTrump havachagona kukundwa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:27 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG