Accessibility links

Breaking News

VaMohadi neVamwe muZanu-PF Vokurudzira VaMnangagwe Kuti Vatonge Kusvika Madhongi Amera Nyanga


VaMnangagwa Vachioneka Vatevedzeri Vavo KuHarare International Airport (Mufananidzo bazi rezvekuburitswa kwemashoko)
VaMnangagwa Vachioneka Vatevedzeri Vavo KuHarare International Airport (Mufananidzo bazi rezvekuburitswa kwemashoko)

Vamwe vakuru mubato reZanu-PF nhasi vatora mukana wegungano revechidiki kuti vakurudzire kuti bumbiro remutemo rivandudzwe kuti mutungamiri wenyika VaEmmerson Mnangagwa vatonge kusvika madhongi amera nyanga.

Asi VaMnangagwa vakamboudza vatori venhau kuti havana hurongwa hwekutonga panopera makore akatarwa mubumbiro remitemo.

Vachitaura pamberi pemutungamiriri wenyika pamusangano wekupemberera zuva revechidki reRobert Mugabe National Youth Day paMushagashe muMasvingo nhasi, Sachigaro we Zanu PF mudunhu reMasvingo, VaRobson Mavhenyengwa, vati dunhu ravo riri kutsigira kuti VaMangagagwa varambe vachitungamira

Vachitaurawo pamusngano mumwe chete uyu gurukota redunhu reMasvingo, VaEzra Chadzamira, vatiwo vese vanozoda kurwisa VaMnangagwa kuti vasatonge kusvika muna 2030 havabudiriri. Izvi zvatsigirwa nemutevedzeri wemutungamiri wenyika VaKembo Mohadi.

Vachitaurawo pamusangano uyu, VaMnangagwa havana kuratidza kupokana nemaonero aya.

Vamwe vechidiki vange vari pamusangano uyu vakaita SaElias Govo, vanoti hapana chakaipa kuti VaMnangagwa vaenderere mberi nebasa.

Mutauriri werimwe bandiko reCCC, rinotsigira vaimbova mutungamiriri webato iri VaNelson Chamisa, VaPromise Mkwanzi vati zviri kuda kuitwa neZanu PF hazvina mature ose.

Apowo verimwe bato rinopikisa rePeople’s Unity Party, VaHebert Chimuka, vati vanhu vemunyika vanofanira kubatana kuramba zviri kurongwa ne bato riri .

Vanoongorora zvematongerwe enyika vakazvimirira VaPride Mukono vati veZanu PF vachanetseka kuti VaMnangagwa vabudirire pachishuvo chavo ichi.

VaMnagagwa vakurudzira vechidiki kuti vakoshese zuva ranhasi vachishandira nyika kuti ibudirire sezvo vakashandira nyika vachiri mudiki vakaenda kuhondo kunosunungura nyika kubva muhutongi hwehutapwa.

Vati hurumende iri kuita zvirongwa zvakawanda zvekuvandudza hupenyu hwevechidiki sekuvaitira mabhizimusi nezvirongwa zvakaita sekupfuya huku, mbudzi pamwe nehove. Asi vechidiki vakawanda vanoti havana mabasa zvapa kuti vafunge kunotsvaga mafuro manyoro kunze.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:44 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG