Accessibility links

Breaking News

Hurumende Inorova Nhende Shure paMutero weShuga muZvinwiwa


Chinwiwa cheMazoe Orange Crush ndechimwe chakakwidzwa mutengo.
Chinwiwa cheMazoe Orange Crush ndechimwe chakakwidzwa mutengo.

Zvichitevera danho rakatorwa nehurumende svondo rapera rekuderedza mutero wezvinwiwa zvine shuga, kana kuti “Sugar Tax,” mushure mekuita musangano nevemabhizimusi vari pasi peConfederation of Zimbabwe Industries, CZI, dzimwe nyanzvi dzezvehupfumi dzinoti ichi chinofanirwa kuti chive chidzidzo kuhurumende kuti isati yafunga kukwidza mitero itange yagara pasi nevemakambani pamwe nevemabhizimusi, kwete kungoita fungira mumwoyo rwendo rwembwa.

Nyanzvi mune zvehupfumi uye vakambotungamira CZI vari muzvinabhizimusi, Doctor Callisto Jokonya, vanoti sevemabhizimusi, vanotambira nemufaro danho iri.

“Zvati nonokeyi kuuya hazvo asi chikurukuru tinoda kuzvitenda kuita vaite zvinhu nemazvo nekuti izvozvo zvinobatsira kuti mabasa arambe ariko. Paratidza kuti vanhu vanogona kugara pasi votaurirana kana pane zvinenge zvichinetsa,” vanodaro Doctor Jokonya.

Chinwiwa chinonyanyofarirwa nevakawanda munyika cheCoca-Cola.
Chinwiwa chinonyanyofarirwa nevakawanda munyika cheCoca-Cola.

Asi nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vari kuBritain, Muzvare Chenaimoyo Mutambasere, vanoti zvavari kuona munyaya dzehupfumi hwenyika zvinoratidza kuti hazvina kurongeka zvachose, vachiti hurumende yakagara yaudzwa kare kuti mutero weshuga uyu wakawandaisa asi yakaramba yakaisa zvimiti munzeve.

“Zvingadai zvakatogadziriswa ipapo, zvisati zvaiswa into policy. Iko zvino takudzokera kumashure mutero uya wadziriswa,” vanodaro Muzvare Mutambasere.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachitungamira bato reZimbabwe Coalition for Peace and Development, VaTrust Chikohora, vanoti kuderedzwa kwemutero weshuga uku kuchabatsirawo kudzikiswa kwemitengo yezvinhu zvakawanda zvanga zvichazokwidzwa nekuchikonzero chemutero uyu.

“Asi izvi zvinofanira kuratidza hurumende kuti kana muchida kuchinja zvinhu zve tax nenzira yakakura zvakadai zvinoda kunge mataurirana nevemabhizimusi, manzwisisa kuti zvinofamba sei?

Zvichakonzeresa chii? Moonesana neveruzhinji vakawanda kuti muzobuda nema policy anobatsira ruzhinji rwese,” VaChikohora vanodaro.

Zvinwiwa zvine shuga zvave kubhadhariswa mutero.
Zvinwiwa zvine shuga zvave kubhadhariswa mutero.

Asi mitengo yezvinhu zvanga zvakwidzwa nechikonzero chemutero weshuga uyu tingaona ichidzikiswa here?

Doctor Jokonya vanodzoka vachiti, “Zvese zvinongofambirana nekuti ma prices mazhinji anokwira nekuda kwekuti mitengo yezvinhu zvatinenge tichishandisa zvinenge zvakwirawo.”

Kutanga gore rino, hurumende yakadzika mutero wezvinwiwa we$0.002 pagiramu rega rega reshuga ririmo.

Izvi zvakakonzera kukwira kwemitengo yezvinwiwa zvakawanda munyika, kusanganisira Mazoe, ayo akabva pamadhora matatu nemasendi makumi mashanu kuenda pamadhora mashanu nemasendi gumi.

Asi mushure mebowabowa rakabva muvatengi pamwe nevemakambani, hurumende yakazodzikisa mutero uyu svondo rapera kuenda pa$0.001.

Chasara ndechekuona kuti pane kutseketudzwa kwemitengo here kuchaitwa nevezvitoro kana vanogadzira zvinwiwa izvi vakatanga ivo kutora matanho ekuderedza mitengo.

Zimbabwe imwe yenyika dzinodarika makumi mashanu dzinonzi dzine mutero weshuga, asi vanoongorora zvehupfumi vanoti nyika idzi hadzingaenzaniswe neZimbabwe sezvo hupfumi hwadzo huri kufamba, dzisina inflation yakakwirisisa seZimbabwe.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:34 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG