Accessibility links

Breaking News

Zimbabwe neBelarus Dzine Vatungamiri Vakatemerwa Zvirango Dzosimbaradza Nyaya yeKudyidzana


VaEmmerson Mnangagwa naVaAlexander Lukashenko mutungamiei weBelarus.
VaEmmerson Mnangagwa naVaAlexander Lukashenko mutungamiei weBelarus.

Nyika yeZimbabwe neyeBelarus nhasi dzaita musangano mukuru muHarare, wekutanga kudyidzana kwakadzama kana kuti First Session of the Joint Permanent Commission on Cooperation.

Nyika mbiri idzi dzawirirana kusimbaradza hukama munyaya dzinosanganisira kudzivirira nyika, zvekurima, maindasitiri uye zvezvicherwa.

Vachitaura vakamirira hurumende yeZimbabwe, vakafanobata chigaro chemunyori webazi rinoona nezvekudyidzana nedzimwe nyika, Amai Rofina Chikawa, vati hukama huripo pakati peZimbabwe neBelarus hunonwisa mvura.

Mukuru weBelarus muchikamu chinoona nezvekudyidzana nenyika dzemuAfrica VaYuri Nikolaychik, vati nyika yavo yakazvipira kuramba ichisimbaradza hukama neZimbabwe.

Asi gweta, uye vachiongorora nyaya dzezvematongerwo enyika, Amai Jacqueline Sande vanoti mushandiro wemakambani ekuBelarus unovanzwa nehurumende, zvinoita kuti veruzhinji vatadze kuzowana chouviri.

Asi mukuru wesangano reThe African Cause Trust VaElton Ziki vane muonero wakasiyana.

Mutungamiri wenyika yeZimbabwe, VaEmmerson Mnangagwa, nemumwe wavo wekuBelarus, VaAleksandr Lukashenko, vakasangana muHarare gore rapera, apo vakavimbisa kusimbaradza hukama pakati penyika mbiri idzi.

Imwewo nyanzvi inowongorora zvematongerwo enyika, uye vari mumwe wevakuru kusangano reAfrican Network for Democracy, VaYoungerson Matete vanoti kudyidzana kweZimbabwe neBelarus, kwakafanana kutungana kwembudzi.

Nekuda kwekudyidzana nenyika yeRussia kunoita Belarus, dzimwewo nyanzvi dzinongorora kudyidzana kwenyika dzepasi rese dzinoti Zimbabwe iri kuramba ichiwedzera mukaha pakati payo nenyika dzekumadokero dzakafanana neAmerica, idzo dzisingatsigiri zvizhinji zvinoitwa neRussia.

VaLukashenko avo vakaitawo sarudzo dzisina kuchena sezviri kupomerwa VaMnangagwa vakatemerwawo zvirango neAmerica vachipomerwa mhosva yekutonga nedemo. Zimbabwe inotenga zvekurimisa uye mabhazi kuBelarus. Belarus inozni inozopihwa mukana wekuchera zviwanikwa kunyanya goridhe kuManicaland.

Musangano weBelarus neZimbabwe watanga nhasi uyu, uri kutarisirwa kupetwa neChina chevhiki rino, apo paine zvibvumirano zvakati kuti zviri kutarisirwa kunyorerwana pasi.

Forum

XS
SM
MD
LG