Accessibility links

Breaking News

Sangano reRed Lipstick Revolution Robatana nePremier Credit Mukukweretesa Madzimai Mari Dzekutanga Mabhizimusi


Abigail Mangwenzi Mutungamiri weSangano reRed Lipstick Revolution
Abigail Mangwenzi Mutungamiri weSangano reRed Lipstick Revolution

Mutungamiri wesangano reRed Lipstick Revolution Doctor Abigail Mangwenzi vanoti sangano ravo rabatana nerePremier Credit mukupa madzimai zvikwanisiro zvemari yechikwereti yekutanga mabhizimisi achabatsira mhuri dzavo.

Doctor Mangwenzi vanoti mari iyi ichange ichiwanikwa nemutengo wakaderera zvichiyenzaniswa nekukwereta kumabhanga.

Vanoti madzimai mazhinji akatokwanisa kukwereta mari akanotora mimwe midziyo yavo yakaita semotokari nezvimwe zvakange zvakabatwa kumabhodha zvichida mari dzemitero.

"Madzimai mazhinji vanotanga kukwereta mari kubva kusangano redu uye zvakakosha kuti vave nemapepa ekuti bhizimusi ravo riri kuitirwa kupi kuitira nyaya yezvibatiso pakukwereta mari," Doctor Mangwenzi vaudza Studio7.

"Sangano rino rine zvidzidzo zvatinopa madzimai anenge akwereta mari kuti vadzidze nzira dzekuti vazokwanisa kushanda nekudzosera mari dzavanenge vakwereta pasina dambudziko," Doctor Mangwenzi vaenderera mberi.

Vanoti avo vanoda kupinda muchirongwa ichi vanokwanisa kuenda kumahofisi avo ari muHarare eRed Lipstick Revolution.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:32 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG