Accessibility links

Breaking News

America Yopemberera Vatungamiri Vayo


Nhasi, Muvhuro, izuva rekupemberera vatungamiri venyika yeAmerica, kana kuti President’s Day. Zororo iri rakatanga riri rekupembedza mutungamiri wekutanga weAmerica, VaGeorge Washington, asi ikozvino rave kurangarira vatungamiri vose veAmerica makumi mana nevatanhatu, kana kuti 46.

Muna 1968, vaive mutungamiri wenyika yeAmerica, VaLyndon B. Johnson, vakasaina bhiri rekuti zuva iri richerechedzwe asi izvi zvakatanga kuitwa muna 1971 apo pakanzi richerechedzwe neMuvhuro muvhiki rechitatu remwedzi waKukadzi.

Vanoongorora zvematongerwo enyika uye vaimbova sachigaro webato reMDC, VaDen Moyo vanoti vanhu vanofarira zuva iri nekuti rinovapa mazuva matatu ekuzorora kubva kubasa.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:02:13 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG