Accessibility links

Breaking News

African Union Yorambidza Kuurayiwa kweMadhongi Anodyiwa nevekuChina Kunyanya


Donkey burger China -1
Donkey burger China -1

Sangano reAfrica Union ratenderana kurambidza kuurayiwa kwemadhongi kuti matehwe nenyama yacho zvidyiwe.

Izvi zvakatenderanwa nezuro pakapera musangano wepagore wevatungamiri venyika dzemuAfrica kuAddis Ababa, Ethiopia.

Madhongi anonzi anogona kupedzisira asisawanikwe zvachose sezvo pachiurayiwa mamiriyoni mashanu nezviuru mazana mapfumbamwe kana kuti 5,9 million gore rega rega.

Donkey burger China -2
Donkey burger China -2

Vatungamiri vemuAfrica vari kuda kudzivirira kuurayiwa kwemadhongi emuAfrica anodarika mamiriyoni makumi matanhatu nematatu kana kuti 33 million.

Matehwe emadhongi aya anonzi anodiwa zvakanyanya nezvimwe zvizvarwa zvekuChina sezvo achinzi anokwanisa kupa kuti munhu ararame kwenguva yakareba uye achibatsira panyaya dzehutano.

Asi muAfrica madhongi anoonekwa sehupfumi uye anotakuriswa zvinhu.

Forum

XS
SM
MD
LG