Accessibility links

Breaking News

VaTshabangu Vanoti Vagara Vachishanda naVaNcube, VaBiti naAmai Kore


VaTendai Biti naVaWelshman Ncube
VaTendai Biti naVaWelshman Ncube

Vanozviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru muchikwata cherimwe bato rinopikisa reCitizens Coalition for Change VaSengezo Tshabangu vanoti vari kushanda nehutungamiri hwakasarudzwa nezuro muBulawayo kutsiva vaive mutungamiri webato iri VaNelson Chamisa.

VaChamisa vakabuda mubato iri vachiti rapindwa naPongwe uye rapambwa nevasori neZanu-PF.

Vakasarudzwa kuti vambotungamira nechimwe chikwata ichi vanoti VaWelshman Ncube, VaTendai Biti naAmai Lynette Karenyi-Kore. Vanenge vachichinjana kwemwedzi mitatu. Studio 7 yayedza kubata vatatu ava asi havana kupindura mibvunzo yatavatumira. Asi VaTshabangu vaudza Studio 7 kuti vari kushanda vavo uye vanoziva zvose zvange zvichiitika.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:36 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Chikwata ichi chakasarudzawo Amai Kore kuti vave mutungamiri webato iri mudare reparamende. Asi chimwe chikwata chiri kutungamirwa nevaive senator vakadzingwa mudare naVaTshabangu, VaJameson Timba chinoti chakasarudza VaClifford Hlatywayo kuti vave mutungamiri mudare reparamende.

Hutungamiri uhu hwakazivisawa nezuro nevari kuzvitiwo vakabata chigaro chemutauriri wechiwata chaVaTshabangu VaJacob Mafume vanova meya weguta reHarare.

Zvichakadaro, Nhasi mutauriri wechimwe chikwatwa chiri kutungamirirwa naVaTimba VaPromise Mkwananzi chati hachisi kutambira zvakaitwa nechikwata chaVaTshabangu.

VaMkwananzi vatiwo VaMafume vakazvidzinga mubato nezvavakaita nezuro.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:15 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

VaMafume vati vange vasina kusungnuka kutaura nesu sezvo vange vari pamugwagwa.

Forum

XS
SM
MD
LG