Accessibility links

Breaking News

VaPutin Voshorwa Mushure Mekufira Mujeri kweVaivapikisa VaNavalny


RUSSIA-POLITICS-NAVALNY-TRIBUTE
RUSSIA-POLITICS-NAVALNY-TRIBUTE

Zvizvarwa zveRussia zviri munyika iyi nekunze zviri kuratidzira zvichinyunyuta nerufu rwemutungamiri webato rinopikisa muRussia VaAlexey Navalny avo vakafira mujeri nemusi weChishanu.

Vanhu vari kuratidzira muMoscow uye nyika dzakaita seAmerica neBulgaria.

People gather to honour the memory of Alexei Navalny in Moscow
People gather to honour the memory of Alexei Navalny in Moscow

VaNavalny vaizivikanwa zvirikuru nekushora huwori hwavaiti hwaiitwa nehurumende yemutungamiri wenyika iyi VaVladimir Putin. Vari kuratidzira vari kupomera hurumende yaVaPutin mhosva yekuuraya VaNavalny.

Mufi akamboisirwa muchetura nevanofungidzirwa kuti vasori akanorapwa kuGeramny asasi aronga zvekudzokera kuRussia muna 2021 uko akabva asungwa.

Mufananidzo pajeri rainge riina VaNavalny.
Mufananidzo pajeri rainge riina VaNavalny.

VaNavalny vange vatongerwa kugara mujeri kwemakore gumi nemapfumbamwe. Rufu rwaNavalny rwauya kwasara mwedzi kuti Russia iite sarudzo dzemutungamiri wenyika VaPutin vachitarisira kuti vapihwe mumwe mukanha wekutungamira nyika iyi kwemamwe makore matanhatu.

Mutungamiri wenyika yeAmerica VaJoe Biden vakatiwo VaPutin vane mawoko akasviba panyaya iyi. Asi Russia inoti VaNavalny vakangofa vega.

Forum

XS
SM
MD
LG