Accessibility links

Breaking News

Muzvinafundo Welshman Ncube Vanodomwa Kuti Vafanotungamira Chimwe Chikwata cheCCC


Muzvinafundo Welshman Ncube ndivo vachafanotungamira chimwe chikwata cheCCC.
Muzvinafundo Welshman Ncube ndivo vachafanotungamira chimwe chikwata cheCCC.

National Standing Committee yechimwe chikwata chebato reCitizens Coalition for Change chiri kudivi revari kuzviti ndivo vakafanobata chigaro chemunyori mukuru webato iri, VaSengezo Tshabangu, yasangana muBulawayo ikasunga kuti chigaro chemutungamiri webato chakasiiwa naVaNelson Chamisa chinge chiine munhu.

Muzvinafundo Welshman Ncube ndivo vadomwa kuti vange vari mutungamiri akafanobata matomu kwemwedzi mitatu vachizochinjana naVaTendai Biti pamwe naAmai Lynette Karenyi.

VaJacob Mafume ndivo vasarudzwa kuti vafanobata chigaro chemutauriri webato kuchikwata ichi.

VaJacob Mafume.
VaJacob Mafume.

VaMafume vaudza Studio 7 kuti zvimwe zvigaro zvose zvadzoserwa kuvanhu vakasarudzwa kuCongress yakaitwa muna 2019.

Vatiwo bato ravo rinotarisira kuita musangano mukuru wekongiresi gore rino risati rapera, asi vati hutungamiri hwadomwa uhu huchadzosa kugadzikana mubato izvo zvichapa nhengo dziri mumatunhu mukana wekuti dzinge dzichiitawo misangano.

Mwedzi wapera komiti yeCitizens' National Assembly yechimwe chikwata cheCCC yakadomawo Va Jameson Timba kuti vafanotungamira bato uye kutungamira komiti inonzi iri kutaura naVaChamisa pamusoro pekungosiya chigaro kwavakaita.

Taedza kubata mutauriri wechimwe chikwata ichi, VaPromise Mkwananzi, asi pataenda pamhepo vanga vasati vapindura mibvunzo yedu yatavatumira.

Chikwata chiri kutungamirwa naMuzvinafundo Ncube chakasanganawo nemusi weChina chadarika chakasarudza Amai Karenyi Kore kuti vave ndivo mutungamiri webato rinopikisa muparamende.

Ukuwo, chikwata chaVaTimba chakadomawo svondo rapera VaClifford Hlatwayo kuti vave ivo mutungamiri webato rinopikisa muparamende, danho rinonzi nechikwata chaVaNcube chicharipikisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:38 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG