Accessibility links

Breaking News

Mwedzi Mitatu Nhengo yeCCC, VaMasaya, Vapondwa kuMabvuku, Zvinonzi Hapana Ati Asungwa neNyaya Iyi


VaTapfumanei Masaya vakapambwa vakazowanikwa vakapondwa.
VaTapfumanei Masaya vakapambwa vakazowanikwa vakapondwa.

Shirikadzi yevaimbova nhengo yebato reCitizens’ Coalition for Change yakapambwa nekupondwa kuMabvuku muHarare gore rapera, VaTapfumaneyi Masaya, Amai Maria Zhuwao, vanoti vari kushushikana zvikuru kuti mwedzi mitatu yatodarika kubva zvakapondwa murume wavo pasina kana munhu ati asungwa nenyaya iyi.

VaMasaya vakapambwa nevanhu vakanga vakapakata pfuti vanofungidzirwa kuti inhengo dzeZanu PF kana vasori musi wa11 Mbudzi gore rapera pamberi pesarudzo dzema by-election dzakaitwa munaZvita, vakazowanikwa vakafa uye mutumbi wavo wakachekwachekwa.

Vakapambwa pamwe chete neimwe nhengo yeCCC, VaJeffrey Kalosi, apo vaitsvagira VaMunyaradzi Kufahakutizvi rutsigiro rwekuti vave mumiriri weMabvuku-Tafara mudare reparamende.

Kubondwa kwaVaMasaya kwakashorwa zvikuru neUnited Nations pamwe nemasangano anorwira kodzero dzevanhu vachiti hurumende inofanirwa kuferefeta nyaya iyi nehudzamu uye kusunga vakaita izvi.

Amai Zhuwao vaudza Studio 7 kuti vari kukatyamadzwa zvikuru nekusatora matanho kuri kuitwa nemapurisa panyaya iyi.

Taedza kubata mapurisa kuti tinzwe paasvika nenyaya iyi asi mutauriri wemapurisa, Assistant Commissioner Paul Nyathi, vati tivabate nemusi wemuvhuro svondo rinouya nezvenyaya iyi.

please wait

No media source currently available

0:00 0:03:24 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG