Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa kweVakagara muNzvimbo Dzisingabvumidzwi muNyika Kwokanganisa Dzidzo yeVana


Vana vechikoro vakawanda vanonzi vari kukanganiswa dzidzo nekudzingwa kwevabereki muznvimbo dzavagere.
Vana vechikoro vakawanda vanonzi vari kukanganiswa dzidzo nekudzingwa kwevabereki muznvimbo dzavagere.

Vamwe vabereki vakadzingwa nehurumende muminda yavaigara vachinzi vakazvigarisa zvisiri pamutemo pamwe nevamwe vemasangano anorirwa kodzero dzevanhu vari kuchema-chema kuti kodzero dzevana dziri kumbunyikidzwa vachiti kudzingwa kwevabereki ava muminda kukanganisa dzidzo yevana vanodarika chiuru mudunhu reMasvingo chete.

Vemasangano akaita se Communities in Actions Platform (CAP), avo vakaita tsvakurudzo mudunhu reMasvingo, vanoti huwandu hwe vana vari kusiya chikoro huri kuramba huchikura sezvo vamwe vagari vanonzi vanofanirwa kubviswa munzvimbo dzavagere vasati vapedzerwa nematare edzimhosva.

Vanoona nezvekufambiswa kwemabasa muCAP, VaKudzai Mashave, vanoti zviri kuitika izvi kutyora kodzero dzevana dziri pachikamu 75 chebumbiro remutemo renyika.

“Vana vanopofura 1000 vakanganiswa izvo zvinokanganisa kodzero yavo iri section 75 mu constitution,” VaMashave vadaro.

Mumwe mubereki akadzingwa kwaMushandike ave kugara kwaChivi, Amai Esther Gama, vanoti vana vavo vana kusanganisira vaiva muFomu yechina neGrade 7 pazvikoro zveMushandike Secondary neNyanda Primary, vatotadza kupedza zvidzidzo zvavo.

“Vana vangu vana vato afectwa uye ari form 4 haachakwanisi kutonyora saka hatizivi kuti toita sei,” vadaro Amai Gama.

Apowo mumwe mubereki akaita saAmai Juliet Dzingai, veku Zero Farm kuNemamwa, avo vakamirira nyaya yavo ichiri mudare redzimhosva, vanoti vana vavo havachaendi kuzvikoro kunyange hazvo vakabhadhara mari dzezvikoro nekutenga mabhuku pamwe nembatya dzechikoro.

Sabhuku Chikutuva vekuZero Farm, VaHenry Makusha, vanoti vakavaka zvikoro izvo zvisisina vana uye zvichasara zvave matongo.

“Takavaka zvikoro saka zvichasara zvisina vana apo vari form 4 ne form 6 havachatokwanisi kunyora izvi zvakanganisa vana vedu,” Sabhuku Chikutuva vanyunyuta.

Amai Ruvarashe Mbungu, avo vave kugara mudhorobha reMasvingo mumusha weVictoria Range usati wapera kuvakwa uye usina mvura nezvimbuzi, vanoti vave kunetsekana kuwana mari yekubhadharira vana zvikoro zvitsva pamwe nekutenga zvese zvinodiwa.

Vamwe vabereki vanoti vana vavo vambopona mushure mekunge sangano remagweta re Zimbabwe Lawyers for Human Rights(ZHLR) rakakumbira dare ramejasitireti kuti rimbomisa kudzinga vagari gumi nevatanhatu avo, vakapikisa mutongo wekudzingwa kwavo kudare reHigh Court muMasvingo.

Gweta reZLHR, VaPhilip Shumba, vanoti dare ramejasitiriti rakatenda kuti vamwe vagari vambogara pamisha yavo nyaya yavo ichinzwikwa kuHigh Court.

“Takazodzekras ku majisitireti court nechikumbiro chekuti vanhju ava vambogara pamisha yavo kusvika nyaya yavo yatongwa ku High Court chikumbiuro chikabvumiwa,” VaShumba vadaro.

Studio 7 yakundikana kunzwa divi rehurumende panhau yekodzero dzevana vari kusiiswa chikoro sezvo gurukota rezveminda, rinove riri kutungamira chirongwa ichi, Doctor Anxious Masuka, vange vasingadairi nharembozha yavo kana kupindurawo mibvunzo yatumirwa neStudio 7.

Asi mumashoko avakabudisa manheru vakabatana nemamwe makurukota emapazi anoti rinoona nezvemukati menyika, rinoona nezvekutongwa kwematunhu, pamwe nerinoona nezvekuvakwa kwedzimba nehurumende, Doctor Masuka vakati hurumende haisi kurwadzisa vagari ava asi vanofanira kubva pavakazvigadza zvisiri pamutemo vachiti chirongwa ichi chiri kuenderera mberi.

Mumaashoko avo gurukota rinoona nezvemukati menyika, VaZiyambi Ziyambi, vakaudza dare reparamende nezuro kuti vanhu vese vari kudzingwa vanofanirwa kuti vadzokere kwavakabva, kunyange hazvo hurumende iri kukurudzirwa kuti inyevenutse mwoyo yosiya vanhu ava munzvimbo dzavagere, sezvo vamwe vavo vagara kwemakore.

Vamwewo ndivo vari kushora nguva yatorwa matanho nehurumende sezvo vagari vakawanda vave kumanikidzwa kusiya zvirimwa muminda.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:03:00 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG