Accessibility links

Breaking News

Vanorwira Kodzero dzeVanhu Voshora Hurumende paNyaya yeNgochani


Sangano reGays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ rine chirongwa chekubatsira vadzidzi.
Sangano reGays and Lesbians of Zimbabwe, GALZ rine chirongwa chekubatsira vadzidzi.

Masangano anorwira kodzero dzevanhu munyika ari kushora danho rehurumende rekunyunyuta pamwe nekunyomba chirongwa chekubatsira kuwanisa dzidzo kunhengo dzinoita zvechingochani che “Munhu Munhu Scholarship” chiri kukokerwa nesangano reGays and Lesbians of Zimbabwe kana kuti GALZ, zvichitevera tsamba yakanyorwa nezuro nemutevedzeri wemutungamiri wenyika, VaConstantino Chiwenga. Asi vemakereke vanoti bhaibheri haritambire zvirongwa zvinotsigira hungochani.

Mugwaro iri, VaChiwenga, vakati hapana chikoro chepamusorosoro chichabvumidzwa kutambira chirongwa cheGALZ ichi vachiti mabasa echingochani haabvumidzwe muchiKristu. Vakatiwo Zimbabwe inyika yemaKristu, izvo zvinoshorwa nevamwe vachiti hazvimo mubumbiro remutemo.

Murongi wemabasa musangano re Zimbabwe Human Rights NGO Forum, Va Wilbert Mandinde, vaudza Studio 7 kuti gwaro rakaburitswa nehurumende rinotyora kodzero yedzidzo munyika, vachiti hazvina kunaka kutsanangura Zimbabwe senyika yema Kristu chete asi bumbiro remutemo richipa vanhu kodzero yekutevera zvitendero zvavanoda.

"Isu tinongoramba tichiti munhu wese ane kodzero yedzidzo munyika. Tinoshorawo mashoko avo ekutsanangura Zimbabwe senyika yechiKristu chete asi iro bumbiro remutemo richiti munhu wese ane kodzero yekusarudza chitendero chake" Va Wilbert Mandinde vanotsanangura.

Mufundisi Reverend Wyson Dutch, vanoshanda nekereke ye United Evangelical Church, vanoti ngochani hadzigamuchirwe muchiKristu uye vanoshora zvirongwa zvose zvinotsigira hungochani.

"Ngochani hadzigamuchirike, saka kubvumidza zvirongwa zvedzidzo zvinopiwa nengochani zvichaita kuti vana vedu vapedzisire vave kuita izvozvo" Mufundisi Reverend Dutch vanopa pfungwa dzavo.

Mukuru wesangano re Gays and Lesbians of Zimbabwe VaChesterfield Samba, vaudza Studio 7 kuti pari zvino havasati vasununguka kupa divi resangano ravo panyaya iyi. Asi vati donzvo rechirongwa chavo ichi nderekuvandudza dzidzo yenhengo dzavo kuti dzikwanisewo kuzviriritira muraramo.

"Donzvo rechirongwa chedu nderekuvandudza dzidzo yenhengo dzedu kuti dzikwanise kuzviriritira muraramo" mashoko aVa Samba mukuru we GALZ.

Amai Gumisayi Bonzo, vanotungamira sangano rinorwira kodzero dzevanoita zvechingochani re Trans Smart Trust, vanotiwo vachirikutya kupa pfungwa dzavo panyaya iyi.

Amai Talent Jumo vanotungamira sangano re Katswe Sistahood rinorwira kodzero dzemadzimai nehutano richibatsirawo chikwata che LGBTQ vanoti ikodzero yemunhu wese muZimbabwe kuwaniswa dzidzo zvisinei nekuti unodanana nani.

Vamwe vanoti kusabuda pachena kwemutemo panyaya yechingochani ndiko kunoita kuti vanhu vashungurudze vanoita izvi, vachiti mutemo uri pachena munyika unorambidza kuroora kwevanhurume kana vanhukadzi.

Hurumende yeZimbabwe kubvira panguva yamushakabvu Va Robert Mugabe haina kubvira yatambira kodzero dzechingochani munyika.

Sangano re GALZ rakavambwa mugore ra 1990 nedonzvo rekuchengetedza kodzero dzevanoita zvechingochani munyika. Chirongwa charo chedzidzo che Munhu Munhu, chakavambwa muna 2019.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:56 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG