Accessibility links

Breaking News

Kudzingwa kweVanhu muMapurazi neMamisha Kwokonzera Gakava muNyika


Vamwe vevanhu vari kubviswa pavaigara kuMasvingo.
Vamwe vevanhu vari kubviswa pavaigara kuMasvingo.

Munyika maita gakava rinotyisa panyaya yekudzingwa kwevanhu pamisha nemapurazi nehurumende. Kusvika pari zvino vanhu vanoda kusvika zviuru zvina vasungwa pasi pechirongwa chinonzi “Operation No Land Barons And Illegal Settlements.”

Asi kuMasvingo nhasi, dare repamusoro rati hurumende imbomira kudzinga vamwe vanhu vange vave nemakore makumi mana vari pamisha yavange vodzingwa nehurumende.

Vagari ava vari kumanikidzwa kuputsa vega dzimba dzavo, kusiya zvirimwa zviri muminda, uye kusiisa vana vavo zvikoro sezvo matare ari kuvapa mutongo wekuti vabve nekukasika, kukundikana kwavo vokandwa mujeri.

Vanoongorora zvematongerwo enyika vari nhengo yeZanu PF, Doctor Masimba Mavaza, vanoti kubviswa kwevanhu munzvimbo dzisina kufanira harisi basa reZanu PF.

"Zanu PF haisi hurumende kunyange hazvo iri muhurumende. Ibasa rema local government ema area iwayo neMinistry iri in charge of that. Asi kunyange zvakadaro hazvo, ini ndinobvumirana nevari kunyunyuta nekuti nguva yacho, yatingati timing, haina kumira zvakanaka," vanodaro Doctor Mavaza.

Vanoti vamwe vevari kubviswa muminda iyi vakarima chibage chatokura, chatomirira kukohwewa. Vanoti vamwe vakarima matomati avo vari kunzi vasiye zvakadaro.

Vamwe vari kusiiswa chibage chavakarima.
Vamwe vari kusiiswa chibage chavakarima.

"Utsinye hwacho hwekuti zvawanga warima gore rese ukusiiswa zvakadaro hutsinye husina kufanira. Hazvifanirwe kuitwa nevanhu vanonzwirana, nevanhu veganda rimwechete.

"Munhu ari kuita izvi chokwadi chake ndechekuti ari kuda kunyangadza zita remusangano. Ari kuda kunyangadza zita rehurumende, nekunyangadza zita raPresident," vanowedzera vachidaro Doctor Mavaza.

Izvi zviri kuuya kunyange hazvo mutungamiri wenyika, VaEmmerson Mnangagwa vakayambira voga kuti vanhu vasazvigarisa pavanoda, vachiti ivhu rese nderavo.

Gweta rinorwira kodzero dzevanhu vachishanda nesangano reAll Hands on Justice, Advocate kennedy Masiye vanoti vanowirirana nemashoko aDoctor Mavazaq ekuti kudzingwa kwevanhu munzvimbo dzavagere hutsinye hukuru vachiti vafadzwa zvikuru kuti Doctor Mavaza vazoonawo vega kuti hurumende yeZanu PF ine hutsinye.

Vanoti hurumende iri kubvisa vanhu panguva isina kufanira uyezve zvekare vanhu vanenge vakapiwa nzvimbo idzodzo idzo nemadzimambo pamwe nevamwe vatungamiri vemunharaunda, vanove vanhu vagara vachitsigirawo musangano weZanu PF.

"But zvisineyi hazvo, izvi zviri kuratidza kuti hurumende yedu haina yatingati hany'a nevanhu. Tiri kuona kuti kune vamwe vanhuwo vave kuchibatwawo, vari kubviswa munzvimbo idzodzo idzo vanosanganisira vanotsigirawo Zanu PF vaakutaura kuti honai zvakuitika kuno uku hazvina kuringana," vanodaro Advocate Masiye.

Doctor Mavaza naAdvocate Masiye vanowirirana kuti hurumende inofanirwa kumbomisa kudzinga vanhu munzvimbo dzavagere, yovapa mukana wekurongedza uye yovatsvagira kumwe kwekuenda isati yazovabvisa.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:05 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG