Accessibility links

Breaking News

VaSikhala Vobhadhariswa Faindi paMhosva Inonzi Haisi Mubumbiro reMitemo


VaJob Sikhala
VaJob Sikhala

Dare ramejastiriti muHarare nhasi rapa mutongo wekuti vaive mumiriri weZengeza West mudare reparamende VaJob Sikhala vabhadhare mari inosvika madhora mazana mashanu vakakundikana voenda kujeri pamhosva yekuti vakafambisa mhosva yemanyepo vachisvibisa zita remapurisa.

Asi magweta aVaSikhala anoti achaenda kudare repamusoro sezvo mhosva iyi yakabviswa mubumbiro remitemo.

VaSikhala vakawanikwa vaine mhosva yekutaura manyepo padandemutande ravo reFacebook muna Ndira wa2021 vachiti pane mwana aive ashaya mushure mekurohwa netsvimbo yemapurisa muHarare. Asi mapurisa akazobuda achiti mwana uyu ainge asina kufa.

Kunyangwe hazvo magweta aVaSikhala aive akumbira kumutongi Amai Feresi Chakanyuka kuti vambobvunzawo kumatare ekumusoro nezvemhosva yakabatwa VaSikhala vasati vapa mutongo wanhasi, gweta raVaSikhala vaHarrison Nkomo vaudza Studio 7 kuti dare harina kupa mhinduro pachikumbiro ichi. Asi pakambosumudzwa nyaya iyi pekutanga nemagweta aVaSikhala kuti hayaifanira kunzwikwa nedare, mutongi akati mutemo wainge wachinja asi asingape humbowo hwakati tsvikiti. VaNkomo vabvuma kuti izvi ndizvo zvaitika mudare.

VaNkomo vati vachakwira kudare repamusoro reHigh Court kunopikisa mutongo nechirango chapiwa.

Mumwe akambobatwa nemhosva iyi mutori wenhau Hopewell Chin’ono akanzi nedare repamusoro reHigh Court asungunurwe sezvo muna 2014, dare repamusoro soro reConstitutional Court munyaya yaipomerwa vatori venhau veZimbabwe Independent vanoti Constantine Chimakure, Vincent Kahiya namushakabvu Iden Witherel rakati chikamu chechimakumi matatu nerimwe kana kuti section 31 cheCriminal Law (Codification and Reform) Act waityora kodzero dziri mubumbiro remitemo.

Asi mutevedzeri wemuchuchusi mukuru wehurumende VaJustice Uladi vati mutemo uyu wakachinja.

VaNkomo vakumbira kudare kuti VaSikhala vambotsvaga mari yefaindi iyi semunhu aive mujeri kwenguva yakareba. Dare rapa VaSikhala kusvika musi wa4 Kurume kubhadhara faindi iyi uye vakakundikana vanzi vachagara mujeri kwemwedzi miviri.

Mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZanu-PF VaFarai Marapira vati matare emuZimbabwe anotonga asina divi raakarerekera.

Asi imwe nhengo yesangano rinotsigira VaSikhala reJob Sikhala Solidarity Youth Council VaWayne Mubaiwa vati zviri kuitika mucherechedzo wekuti matare emunyika haana kusununguka.

Asi vachitaurawo nezvechirango ichi, mutevedzeri wemukuru musangano rinorwira kodzero dzevanhu pasi rose reAmnesty International kumabudazubva nekuchamhembwe kweAfrica Amai Khanyo Farise vati zvaitwa nedare hazvisi pamutemo sezvo mutemo wacho usiri mubumbiro remitemo asi uchiramba uchishandiswa kumbunyikidza kodzero dzevanopikisa kunyanya.

Sangano reAmnesty International ratiwo hurumende haifanire kushandisa matare sechombo chekumbunyikidza vanopikisa. Vati zvaitwa VaSikhala munongedzo wekuti kudzvinyirirwa kwevanhu nehurumende kuri kuramba kuchiwedzera. Asi gurukota rezvemitemo VaZiyambi Ziyambi vanoti matare akazvimirira.

Forum

XS
SM
MD
LG