Accessibility links

Breaking News

VaTsvangirai Vorangarirwa Makore Matanhatu Vashaya


VaMorgan Tsvangirai
VaMorgan Tsvangirai

Nhasi ava makore matanhatu vakave mutungamiri wekutanga webato reMovement for Democratic Change (MDC) uye vakave mutungamiri wehurumende muhurumende yemubatanidzwa, VaMorgan Tsvangirai, vashaya, asi vakawanda munyika vachiri kurangarira mabasa avakabata, vanoongorora zvematongerwo enyika vachikurudzira vemapato anopikisa kuti vadzidze kubva munzira yakafambwa namushakabvu.

Apo nhasi veruzhinji vari kucherechedza zuva revadikani re Valentine's, vakawanda vari kurangarira mabasa nenhaka yakasiiwa nemushakabvu VaTsvangirai.

VaMugabe naVaTsvangirai
VaMugabe naVaTsvangirai

Shirikadzi yemushakabvu, Amai Elizabeth Tsvangirai, mumashoko avo neStudio 7 nhasi masikati, vanoti vanorangarira murume wavo uye vachinzwa kunyaradzwa zvikuru nerudo rwake munzira yavakafamba vose. Amai Tsvangirai vanotiwo vanosuwa zvikuru murume wavo vachiti vacharamba vachimuda zvikuru nekumurangarira kunyanya zuva ranhasi re Valentine's Day.

Munin’ina waVaTsvangirai VaManase Tsvangirai vati ino inguva yakaoma kumhuri.

Vemapato ezvematongerwe enyika vanotiwo vanorangarira VaTsvangirai nemabasa avo mukurwira hutongi hwejekerere munyika. Mutungamiri webato rinopikisa re Labour Economists and African Democrats kana kuti LEAD, Muzvare Linda Masarira, vanoti mushakabvu akasiya nhaka yakakosha mukusimudzira madzimai kuti apindewo mune zvematongerwe enyika.

Mutungamiri webato rinopikisa, reMDC VaDouglas Mwonzora, vanoti VaTsvangirai igamba rakabatanidza bato reMDC uye vakabatsira zvikuru mukurwira kodzero dzevana veZimbabwe.

Tsvangirai Memorial - BYO
Tsvangirai Memorial - BYO

Mutauriri wechimwe chikwata cheTripple C, VaPromise Mkwananzi, vanotiwo bato ravo richaramba richirwira zvido zvevana veZimbabwe kuremekedza nhaka yakasiiwa nemushakabvu.

Asi bato reZANU PF rinoti vemapato anopikisa vanofanirwa kudzidza kubva mugwara rakafambwa naVaTsvangirai. Mushandi mukuru muhofisi yezvekuburitswa kwemashoko muZANU PF VaFarai Marapira, vaudza Studio 7 kuti VaTsvangirai vaigona kuyanana nevamwe mune zvematongerwe enyika uye vaitungamira bato ravo zvakajeka, kwete zvave kuitwa nemamwe mapato anopikisa anhasi.

Asi nyanzvi inoongorora nezvematongerwe enyika vakarerekera kubato re ZANU PF Va Elton Ziki vanoti zvirikuitika kumapato ezvematongerwe enyika nhasi zvinoratidza kuti nhaka yakasiiwa na Va Tsvangirai haina zvakanyanya zvainoreva.

Imwewo nyanzvi inoongorora nezvematongerwe enyika vachitungamira bato rinopikisa re Democratic Party, Doctor Wurayayi Zembe, vanoti nhaka yakasiiwa naVaTsvangirai yakakosha zvikuru munhoroondo ye Zimbabwe.

VaTsvangirai vakaberekwa musi wa 10 Kurume muna 1952 kwa Gutu. Vakazoshaya musi wa 14 Kukadzi 2018 vave nemakore makumi matanhatu nemashanu (65) ekuberekwa mune chimwe chipatara ku South Africa mushure mekurwara negomarara.

Vakave mumwe wevanhu vakabatana vakavamba bato raipikisa hurumende yamushakabvu VaRobert Mugabe, re Movement for Democratic Change (MDC), muna 1999. Vakazoshandawo muhurumende yemubatanidzwa vachitungamira makurukota ehurumende kubva 2009 kusvika 2013.

please wait

No media source currently available

0:00 0:02:49 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG