Accessibility links

Breaking News

Vakaremara Vanoti Vari Kusiiwa Muzvirongwa Zvekudzidzisa Vanhu neZvakaipira Kushandisa Zvinodhaka


Vamwe vakaremara vari kuchema chema kuti vari kusiiwa muzvirongwa zvehurumende nemasangano akazvimiririra zvekudzidzisa vanhu nezvakaipira kushandisa zvinodhaka.

Mukuru wesangano reDisabilitty Amalgamated Community Trust(DACT) VaHenry Chivhanga vanoti vakaremara pamwe nemasangano anorwira kodzero dzavo vanoti hurumende, mapurisa pamwe nemamwe masangano ari kuita basa rakanaka kurwisa kushandiswa kwezvinodhaka asi vari kuvasiya muzvirongwa zvavo nekusaziva kuti vamwe vavo vakatarisanawo nedambudziko iri.

Mumwe wechidiki akaremara anofamba newhiri cheya muMasvingo uye achiita basa rechiwhindi panokwirirwa mabhazi anoenda Harare neBulawayo, VaKudakwashe Manyere vanoti vanoshandisa zvinodhaka nekuti vakangofanana nevanhu vese.

VaMoses Chitombo avo vakaremara vanoti semaonero avo, vakaremara vakawanda vari kushandisa zvinodhaka.

Mukuru webasa musangano rinorwirwa kodzero dzevakaremara reInstitute of Community Development, Muzvare Vongai Tinarwo, vakurudzira mapazi ehurumende kuti asavakanganwe muzvirongwa zvavanoita.

Mutauriri wemapurisa mudunhu reMasvingo, VaKudakwashe Dhehwa vanoti havasarudzi pakuita zvirongwa zvechenjedzo asi havasati vatanga kuita zvirongwa nevakaremara vari voga.

Vanoona nezvekufambiswa kwemashoko mubazi redzidzo yepasi iro rine vana vari kusangana nedambudziko iri, VaTaungana Ndoro vanoti vari kushanda nemapazi ose emunyika kusanganisira vakaremara kuita zvirongwa zvekurwisa dambudziko iri.

Hurumende pamwe nemapurisa munyika vari kuita zvirongwa zvedzidziso zvakawanda apo vanopinda munzvimbo dzinogara veruzhinji vachikurudzira vechidiki kuti vasatore zvinodhakwa uye mapurisa achisunga vanozvitengesa.

Vanoshanda muzvipatara zvinorapa varwere vepfungwa munyika dzakaita seNgomahuru muMasvingo neEngutsheni kwaBulawayo vanoti vanhu vazhinji vari kuuya kuzorapwa vari kurasika njere nezvinodhaka.

Mukuru wepachipatara cheNgomahuru , Dr Parirenyatwa Maramba vati varwere vavo vazhinji vari kubva kuvanhu vanotora zvinodhaka asi vakaremara vashoma.

Vanorwira kodzero dzevanhu muMasvingo VaKudzai Mushave vesangano reCommunities in Action Plartfom vanoti vakaremara vakawanda vane dambudiko iri havaendeswi kunorwapa nekuti vanovanzwa mudzimba.

Mukuru webasa munyaya dzevakaremara mubazi rinoona nezvekugara zvakanaka kwevanhu munyika, Dr Christine Peta vange vasingadairi nhare yavo kana kupindura mibvunzo yatavatumira kuti tinzwe divi ravo panyaya iyi.

please wait
Embed

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG