Accessibility links

Breaking News

Nyanzvi Mune zveMakombiyuta neMitauro Dzoisa Mazwi paMakombiyuta muRurimi rwaAmai


Nyanzvi muzvishandiswa zvemitauro yavanhu zvepamakombiyuta, VaFarayi Kambarami.
Nyanzvi muzvishandiswa zvemitauro yavanhu zvepamakombiyuta, VaFarayi Kambarami.

Muchikamu chedu chatinotarisa zviri kuitwa nevana veZimbabwe vari kunze kwenyika, nhasi tine hurukuro naVaFarayi Kambarami, vari kuCape Town muSouth Africa, avo vanove nyanzvi muzvishandiswa zvemitauro yavanhu zvepamakombiyuta, kana kuti Computational Linguistics.

VaKambarami pamwe chete nedzimwe nyanzvi dzemitauro dzinosanganisira Muzvinafundo Hebert Chimhundu, Muzvinafundo Kuda Dube nevamwe, vari kushanda pamwechete nechikamu chemitauro paMidlands State University chinodaidzwa kuti National Language Institute vachiisa mazwi erurimi rwaAmai pamakombiyuta.

“Chikamu ichi chine zvirongwa zvakasiyanasiyana zvekuvandudza mitauro yedu nenzira dzakasiyanasiyana. Rangu basa, pamwe nevamwe vadzidzisi vangu vanosanganisira Muzvinafundo Dube, nderekugadzira zvirongwa zvingabatsira kupepeta nekushanda nemitauro yedu pamakombiyuta,” vanodaro VaKambarami.

Pavakaita zvidzidzo zvavo zveMasters, VaKambarami nevamwe vavo vakagadzira chiperetero cheShona.

“Pari zvino tava kuda kugadzira zvimwe zvigadzirwa zvingaita kuti michina igone kuverenga rurumi rwaAmai sezvinoitwa naanaChatGPT. Asi hatidi kuzviita nenzira yekusveta vamwe simba tichivabira mabasa avo,” vanodaro VaKambarami.

Vanoti vari kutsvaga zvinyorwa zverurimi rwaAmai zviine vanhu vanozviverenga nerurimi rwumwechete irworwo kuitira kuti vadzidzise makombiyuta kuverenga rurimi urwu.

Muzvinafundo Chimhundu vakatoparura duramazwi guru reChishona kwakare kuMidlands State University vachishandawo neNational Language Institute.

VaKambarami vanoti basa rose ravari kuita iri vari kutsigirwa neMidlands State University pamwechete nechikoro chepamusorosoro cheUniversity of Oslo chiri kuNorway.

Vari kukurudzirawo vana veZimbabwe vakasununguka kushanda navo kuti vavabate patsambambozha yavo inoti Farayi.Kambarami@gmail.com.

please wait

No media source currently available

0:00 0:07:41 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG