Accessibility links

Breaking News

Musangano weVemabhizimusi Woendeswa Mberi Pachimirirwa Zvichapakurwa neR-B-Z


Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.
Dhora remunyika riri kuramba richishaya simba kana richienzaniswa nedhora rekuAmerica.

Musangano wepagore wesangano revemabhizimusi reConfederation of Zimbabwe Industries wakanangana nekugoverana ruzivo, kuzeya mamiriro ehupfumi hwenyika pamwe nekusvitsa zvichemo kuhurumende, we Economic and Business Outlook Symposium, uyo wanga wakatarisirwa nemusi weChina svondo rino muHarare unonzi waendeswa mberi.

Mumwe muzvinabhizimusi ane ruzivo nezvehurongwa uhu audza Studio 7 kuti pasungwa kuti patange pamirirwa kuona kuti Monetary Policy Statement, kana kuti hwaro hwemamiriro ehupfumi hwegore rino hwebhanga guru renyika, reReserve Bank of Zimbabwe, huchange hwakamira sei.

Nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda nesangano reLabour and Economic Development Research Institute of Zimbabwe, Doctor Prosper Chitambara, vanoti musangano uyu unenge wakakosha zvikuru sezvo uchiunganidza mapoka ose akakosha munyaya dzezvehupfumi munyika.

"I think it's an opportunity yekuti pave nekutaurirana maererano nema reforms, especially around nyaya dze currency dziri kutaurwa. Hurumende ine zvairi kuronga maringe ne currency reforms. Saka I think musangano uyu unoitawo zvakare kuti ve industry uyewo ma scholars nevamwe vakazvimirira vange vachikwanisawo kuita contribute torwads debate iroro," Doctor Chitambara vanodaro.

Imwe nyanzvi mune zvehupfumi vachishanda vakazvimirira, Muzvare Happiness Zengeni, vanoti pari zvino munhu wese akatarisira kubva ku R-B-Z kuitira kuti vaone gwara rezvehupfumi nekwahuro kuenda.

"Pari zvino munhu wese akatarisira kubva kuR-B-Z kuti iwe inokwanisa kubuditsa zvinhu zvavangakwanise kuti vasapote, kana ku stabizer mari yenyika. Eeh, taona pamakoere apa tese ta trier. Vaedza zvose zvavanogona kuti vakwanise kuti mari yenyika irambe ine value but zvese zvakanganisika. Zvese zvinongoshanda kwenguva pfupi," vanodaro Muzvare Zengeni.

Muzvinabhizimusi uye vakambotungamira sangano reC-Z-I, Doctor Callisto Jokonya, vanoti chiri kunyanya kuchemedza vemabhizimusi pari zvino mutengo wedhora rekuAmerica pamisika.

Vanoti zvakakosha kuti vatange vanzwe zviri kubva kuR-B-Z kuitira kupedza pfungwa yekufungirana kuti pane vari kukanganisa hupfumi hwenyika.

Musangano wevemabhizimusi uyu, uri kurongwa panguva iyo hurumende iri kuti iri kutora matanho ekudzikamisa hupfumi hwenyika, uho huri kuwondomoka zvisina mukare akamboona.

Ukuwo, mitengo yezvinhu inonzi iri kuramba ichiita chamurambamhuru zvave kuomesera vakawanda munyika, zvikuru vashandi vachiri kupiwa mihoro yavo mumadhora emunyika.

Vari kupiwa mihoro nemari yekunze vacho vanonziwo mihoro iyi yave pasi zvichienzaniswa nemari inodiwa nemunhu kuti ararame pamwedzi, iyo yakanzi neZIMSTAT yakakwira muna Ndira wegore rino kuenda paZWL$6.2 million ichibva pa ZWL$3.6 million muna Zvita wegore rapera.

please wait

No media source currently available

0:00 0:04:01 0:00
Pekupinda Napo Kuti Muone Zvamuri Kuda

Forum

XS
SM
MD
LG